Kishore Kumar Hits

Decibel - Madhara текст песни

Исполнитель: Decibel

альбом: Classics Collection


Kune mamwe madhara asingade kukura, apo makore aenda
Haisi mhosva yangu wakanonoka kumuka nguva yako yapera
Kune mamwe madhara asingade kukura, apo makore aenda
Haisi mhosva yangu wakanonoka kumuka nguva yako yapera baby yo
Aa baba ndaona hamunyare
Iwe gondo muzvitiyo usamhare
Kukwezva vana nekushandisa mari
Mubairo wako uchabva kuna Mwari
Kunyepedzera kunge uri shamwari
Zviri zvemari hanzi baby don't worry
Anything you want I can get you in a hurry
Chinangwa chako chiri chekuputsa hari
Mwana wacho oo atori kuchikoro
Dai wambomira wamupawo zororo
Tarira zvino wakumumwisa doro
Chinangwa chako chiri chekupisa nyoro
Kana vabereki haachachamboterere
Akubigger joy, mutserendende
Gare-gare tichanzwa yangova mhere
Paachaona kuti wamupa chirwere
Nyaya yacho haimboperera ipapo
Kune vakomana vakabira runako
Havana kuona kwaari kubva nako
Havazvizive kuti achaenda navo
Zvakandirwadza moyo, munondibaya moyo
Zvakandirwadza moyo, munondibaya moyo
Dai mamboterera, dai mamboterera, tererai!
Dai maiterera nemi sisi oo mainzwawo chichemo chandinacho
Dai mamboterera, dai mamboterera, tererai!
Dai maiterera nemi sisi oo mainzwawo chichemo chandinacho
Mifungo yako yanga yaora sei, kukwanisa kuita huipi hwakadaro?
Mari yacho yanga yanetsa sei, zvingakonzera utengese muviri wako?
Mumoyo mako iwe unonzwa sei, kuparadzanisa samusha nemhuri yavo?
Ndazvishaya uri kunakirwa nei, hauone wakanganisa hupenyu hwako?
Zvakandirwadza moyo, munondibaya moyo
Zvakandirwadza moyo, munondibaya moyo
Dai mamboterera, dai mamboterera, tererai!
Dai maiterera. nemi sisi oo mainzwawo chichemo chandinacho
Dai mamboterera, dai mamboterera, tererai!
Dai maiterera, nemi sisi oo mainzwawo chichemo chandinacho
Mifungo yako yanga yaora sei kukwanisa kuita huipi hwakadaro?
Mari yacho yanga yanetsa sei, zvingakonzera utengese muviri wako?
Mumoyo mako iwe unonzwa sei, kuparadzanisa samusha nemhuri yavo?
Ndazvishaya uri kunakirwa nei, hauone wakanganisa hupenyu hwako?
Zvakandirwadza moyo, munondibaya moyo
Zvakandirwadza moyo, munondibaya moyo
Zvakandirwadza moyo, munondibaya moyo
Zvakandirwadza moyo, munondibaya moyo

Поcмотреть все песни артиста

Другие альбомы исполнителя

Похожие исполнители

Roki

Исполнитель

ExQ

Исполнитель