Kishore Kumar Hits

Pastor C Charamba & Fishers of Men - Anosimudza Marombe (Psalm 113:7) текст песни

Исполнитель: Pastor C Charamba & Fishers of Men

альбом: Verses and Chapters


Zvinoshamisa zvino vadikani regai ndinyatsomuvonga
Haa hama dzinodikana, hama dzinodikana
Mufaro wandinawo wakanyanyisa uyu
Unododa zvinoridzwa uyu, ndiridzirei kani
Ndiridzirewo kani

Mwari wakanaka vakomana honaika
Honai zvaita mwana uye, vakomana honaika
Mwari wakanaka vasikana honaika
Honai kwainda mwana uye, vasikana honaika
Amai ndati wonaika nemi ndati wonaika
Hure riye zvaraita, ndai wonaika
Baba ndati wonaika nemi ndati wonaika
Mwakauye zvawaita, ndati wonaika
Amai ndati wonaika nemi ndati wonaika
Amai Mwari wakanakawo kani, ndati wonaika
Baba ndati wonaika nemi ndati wonaika
Baba Mwari wakanakawo kani, ndati wonaika
Anosimudza marombe kubva muguruva
(Kuita kwake Jehovah) vanomutsvaka vanomuwana
(Anosimudza marombe kubva muguruvaka)
(Kuita kwake Jehovah) uye vana vake anovaziva
(Anosimudza marombe kubva muguruvaka)
(Kuita kwake Jehovah) uye vanorwara anovarapa
(Anosimudza marombe kubva muguruvaka)
(Kuita kwake Jehovah) iye anopindura nyangwe nemoto
(Anosimudza marombe kubva muguruvaka)
(Kuita kwake Jehovah) onai marombe ave mashoma
(Anosimudza marombe kubva muguruva)
(Kuita kwake Jehovah)
Jehovah Mwari, Jehovah Mwari, Jehovah Mwari ndozvavanoita
(Anosimudza marombe kubva muguruva) hauna chakanaka chaungabata
(Kuita kwake Jehovah) hauna chaunobata asina kutendedza
(Anosimudza marombe kubva muguruva) ho kunyange mari chaiyo haiwanike
(Kuita kwake Jehovah) mari hauiwane Mwari kana vasina kutendedza
(Anosimudza marombe kubva muguruva) ho kunyange rudo chairwo haruwanike
(Kuita kwake Jehovah) rudo hauruwane Mwari kana vasina kutendedza
(Anosimudza marombe kubva muguruva) kunyange hupenyu haurarame
(Kuita kwake Jehovah) haurarame Mwari kana vasina kutendedza
(Anosimudza marombe kubva muguruva)
(Kuita kwake Jehovah)

Mwari wakanaka veduwe honai
Veduwee honaika, ndati honai
Ambuya ndati wonaika nemi ndati wonai
Ambuya Mwari wakanakawo kani, ndai wonaika
Sekuru ndati wonaika nemi ndati wonai
Sekuru Mwari wakanakawo kani, ndai wonaika
Anosimudza marombe kubva muguruva
(Kuita kwake Jehovah) vanomutsvaka vanomuwana
(Anosimudza marombe kubva muguruvaka)
(Kuita kwake Jehovah) uye vana vake vanomuziva
(Anosimudza marombe kubva muguruvaka)
(Kuita kwake Jehovah) uye vanorwara anovarapa
(Anosimudza marombe kubva muguruvaka)
(Kuita kwake Jehovah) iye anopindura nyangwe nemoto
(Anosimudza marombe kubva muguruvaka)
(Kuita kwake Jehovah) onai marombe ave mashoma
(Anosimudza marombe kubva muguruva)
(Kuita kwake Jehovah)
Ndati Jehovah Mwari ndozvavanoita
(Anosimudza marombe kubva muguruva) hapana chakanaka chaungabata
(Kuita kwake Jehovah) hauna chaunobata asina kutendedza
(Anosimudza marombe kubva muguruva) ko murume akanaka haawanike
(Kuita kwake Jehovah) murume haumuwani Mwari kana vasina kutendedza
(Anosimudza marombe kubva muguruva) mudzimai akanaka naka haumubate
(Kuita kwake Jehovah) haumuwani Mwari kana vasina kutendedza
(Anosimudza marombe kubva muguruva) kunyange hupenyu haurarame
(Kuita kwake Jehovah) haurarame Mwari kana vasina kutendedza
(Anosimudza marombe kubva muguruva)
(Kuita kwake Jehovah)
Kutadza kufara pakadai ndati hama kuoma moyo
Ndati Mwari wakanakawo kani, ndati wakanaka
Kutadza kufara pakadai ndati hama kuoma moyo
Hama ngatimufarire kani Mwari wakanaka
Kutadza kufara pakadai ndati hama kuoma moyo
Baba ngatimutendewo kani Mwari wakanaka
Kutadza kutenda pakadai ndati hama kuoma moyo
Baba ngatimutendewo kani Mwari wakanaka
Kutadza kutenda pakadai ndati hama kuoma moyo
Ndikati ngatimutendewo kani Mwari wakanaka
Kutadza kutenda pakadai ndati hama kuoma moyo
Baba ngatimufarire kani

Nemi vasharukwa imbai uko
Iye wonde, iye wonde, iyewonde, iye wonde
Iye, hondeya
Ndava kusiira vane dzinorira

Поcмотреть все песни артиста

Другие альбомы исполнителя

Похожие исполнители