Kishore Kumar Hits

Pastor C Charamba & Fishers of Men - Komborerai Vana (Job 1:5) (1 Chron 12:32) текст песни

Исполнитель: Pastor C Charamba & Fishers of Men

альбом: Verses and Chapters


Komborerai vana vangu (baba komborerai)
Tungamirai vana vangu (baba tungamirai)
Baba muvaropafadzewo vana vangu
Havagoni kufamba vega musipo baba
Baba muvaropafadzewo vana vangu
Havagoni kufamba vega musipo baba
Apo vanopinda nepavanobuda (muvarangarire)
Mukarega kufamba navo vana vangu (havana wekufamba naye)
Handidi kuti vapone nezvipo zveumbavha (handidi baba)
Handidi kuti vapone zvipo zveufeve (handimbodi baba)
Handidi kuti vagamuchire zvipo zvekuroya (handidi baba)
Handidi kuti vasimukire nekutsika vamwe (handimbodi baba)
Ririko denda rashura mare Mwari munyika
Risandibatirawozve vana vangu baba
Chiriko chirwere chauraisa vana vevanhu
Chisanditorerawozve vana vangu baba
Baba muvaropafadzewo vana vangu
Havagoni kufamba vega musipo baba

Baba makakomborera vanhu vakawanda
Shoko renyu rinoti vana vaIsaka makavatendera kufamba vachiziva nguva
Naiyemizve She Jesu makafamba nekuteerera baba namai
Mukayemurwa navanhu mukayemurwa naMwari
Vana vangu vakomborerei Jehovah
Ndakumbira baba

Komborerai vana vangu (baba komborerai)
Tungamirai vana vangu (baba tungamirai)
Baba muvaropafadzewo vana vangu
Havagoni kufamba vega musipo baba
Apo vanopinda nepavanobuda (muvarangarire)
Mukarega kufamba navo vana vangu (havana wekufamba naye)
Handidi kuti vapone nezvipo zveumbavha (handidi baba)
Handidi kuti vatambire zvipo zveufeve (handimbodi baba)
Handidi kuti vagamuchire zvipo zvehuroyi (handidi baba)
Handidi kuti vasimukire nekutsika vamwe (handimbodi baba)
Ririko denda rashura mare Mwari munyika
Risandibatirawozve vana vangu baba
Chiriko chirwere chauraisa vana vevanhu
Chisanditorerawozve vana vangu baba
Baba muvaropafadzewo vana vangu
Havagoni kufamba vega musipo baba
Vanokwazisa vakasangana navakuru ndivo vandinoda
(Vana vane tsika vane ruremekedzo)
Vanopfugama vachikwazisawo vakuru baba ndivo vandinoda
(Vana vane tsika vane ruremekedzo)
Vanoteerera vakatsiurwa navakuru baba ndivo vandinoda
(Vana vane tsika vane ruremekedzo)
Panoverengwa vana vakarurama naivo vagowanikwavo
(Vana vane tsika vane ruremekedzo)
Panonongedzwa vana vakatendeka naivo vagoverengwawo
(Vana vane tsika vane ruremekedzo)
Vanoshingaira kusevenza nesimba ndivo vandinoda
(Kwete vanokohwa vasina kurima)
Vanodikitira kudikita nesimba vanodya cheziya
(Kwete vanokohwa vasina kurima)
Vanogutsikana nezvinhu zvavanazvo vasingakweretese meso
(Kwete vanokohwa vasina kurima)
Vanogutsikana nezvinhu zvavanazvo vasingarase rase meso
(Kwete vanokohwa vasina kurima)
Vanogutsikana nezvinhu zvavanazvo vasingarase rase meso
(Kwete vanokohwa vasina kurima)
Komborerai vana vangu
Havagoni kufamba vega musipo baba
Baba muvakomborerewo vana vangu
Havagoni kufamba vega musipo baba

Поcмотреть все песни артиста

Другие альбомы исполнителя

Похожие исполнители