Handikusiye, hauzofambi wega
Ndichange ndiripo ndakabata ruoko rwako
Nyangwe makomo akure, hauzofambi wega
Usatye, usanete, usarasa tariro
Handikusiye wega, ndichakurirwa
Hondo dzako, ndedzangu
Ndichakubvumbamira, ndokusesedza
Ohh, Tariro
Ini ndakati ndokutungamira (tungamira)
Paya ndikati ndinofamba newe (famba newe, ooh)
Zvino sei warasa (warasa) tariro
Nyangwe upinde nemumoto, haungazokupisa
Usatye, usanete, usarasa tariro
Handikusiye (handikusiye wega) ndichakurirwa (ndichakurirwa)
Hondo dzako, ndedzangu
Ndichakubvumbamira (ndichakubvumbamira) ndokusesedza (ndokusesedza)
Ohh, Tariro
Usarasa tariro, usarasa tariro yako
Usarasa tariro, ndiripo, ndakabata ruoko rwako
Usarasa tariro (usarasa tariro) usarasa tariro yako (usarasa tariro)
Usarasa tariro ndiripo (ndiripo) ndakabata ruoko rwako
Usarasa (usarasa tariro), ndini Mwari wako (usarasa tariro)
Usarasa tariro (usarasa tariro) ndiripo (ndiripo) ndakabata ruoko rwako
Nyangwe nzizi dzizare (usarasa tariro) nyangwe makomo akure (usarasa tariro)
Usarase (usarasa tariro ndiripo) ndiripo (ndakabata ruoko rwako)
Handikusiye (handikusiye wega, ndichakurirwa) handikusiye wega iwewe, oh
Hondo dzako oh, oh ndedzangu
Ndichakubvumbamira (ndichakubvumbamira ndokusesedza)
(Ohh) oh, oh, oh, oh tariro
Handikusiye (oh, oh tariro)
Jehova Mwari wangu, oh, oh tariro
(Ohh) oh, oh tariro, ooh
Поcмотреть все песни артиста