Kishore Kumar Hits

Apostle Rev T T Chivaviro - Hoyo Mushandiri Washe текст песни

Исполнитель: Apostle Rev T T Chivaviro

альбом: Ebenezer- Tiri Munyasha (10th Album)


Hmm-mm
Haibo!
Hoyo mushandiri waShe!
Ndoda kurairwa nemi
Kuchengeta shoko renyu
Nokuedza kuda kwenyu
Ndisaite (ndisaite kuda kwangu) ndisaite
Ini (ndizadzise kururama)
Kana mandinzwira ngoni
Kuti ndiitiswe basa
Sarudzai imi zvamunoda
Asi garai mandiri
Zviito (zviito ngazvive zvenyu) zviito
Zvakanaka (zvakanaka, zvakakwana) ahi!

Pfungwa dzangu dzose Ishe
Ngadzitungamirwe nemi
Basa rangu rive renyu
Ndiro rakakwana chose
Ndiro rino (ndiro rinofadza Baba)
Renyu roga (renyu roga rakanaka)
Ini ndinozviisa kwamuri
Ndiri ivhu, mundiumbe
Mundiite hari yenyu
Ndikutererei chose
Ndive musha- (ndive mushandiri wenyu)
Paupenyu (paupenyu napakufa), haibo!

Ndive musha– (ndive mushandiri wenyu), ndive musha–
Ho-o (paupenyu napakufa)
Ndive musha– (ndive mushandiri wenyu), ndive musha–
He-he- (paupenyu napakufa)
Ndive musha– (ndive mushandiri wenyu), ndive musha–
(Paupenyu...)

Поcмотреть все песни артиста

Другие альбомы исполнителя

Похожие исполнители