Kishore Kumar Hits

Leornard Karikoga Zhakata - Batai Mazwi текст песни

Исполнитель: Leornard Karikoga Zhakata

альбом: Greatest Hits


Kana ndichishaura, batai mazwi
Kuitira mangwana
Kana ndichishaura, batai mazwi
Kuitira mangwana
Vamwe vanozodudzira nepasipo
Vamwe ndevanofamba vachiti hazvisi zvake

Vamwe vanozodudzira nepasipo
Vamwe ndevanofamba vachiti hazvisi zvake

Asi, chakana chakana ngatirumbidzei
Hama, handireve kana kuvenga munhu
Asi ndinoshaura zviitiko zvenyika

Saka chakanaka chakanaka ngatirumbidzei
Hama, mamwe maitiro anoyemurika
Asi mamwe maitiro anoshoreka
Hanzi kumwe kuzvara chokwadi kunodadisa
Asi kumwe kuzvara chokwadi kunoparira
Kumwe kuzvara, hama, kunodadisa
Asi kumwe kuzvara chokwadi kunoparira

Hanzi ndakamurera mwana wangu woga
Mumwe chete sezai regondo
Hanzi ndakamuyarutsa mwana wangu woga
Mumwe akadai sezai regondo
Hanzi ndaigwadama mabvi ne ma gokora zuva nezuva ka kuvachengeti
Hanzi ndaigwadama mabvi ne magokora zuva ne zuva ka kuvachengeta
Ndikati Samatenga
Tariraiwo nhiyo yangu iyi, nerimwe zuva richave jongwe
Mambo wangu, tarirai nyenye yangu nerimwe zuva, ichave nongo
Tenzi wangu, tariraiwo mhuru yangu, nerimwe zuva, ichave handira
Nhamo yandakaona chitaurirwa hama
Mvemve ne nyatera ndokwakave kupfeka kwangu
Ndakange ndotosemesa kudya neni mundiro imwe
Mwana ndakamuyarutsa nemari yemusika
Maricho nezvikwereti mumana muno
Ndaitika chirere chichazokurerawo
Akura zvake mwana ave kuzviwonera
Nhasi opembera nenyika yeZimbabwe
Ini ndinongotamburawo nanhasi

Ko kana ndikarwara ndiri ndega, unonzwa naniko mwanangu kani?
Ungazofare here ukawana ndave rinda, zvaunodai kurova, mwanangu?
Ungazofare here ukawana ndave rinda, zvaunodai kurova, mwanangu?
Ziva midzi yako, mwanangu kani
Ziva kwawakabva, iwe mwanangu kani
Dzamisa ndangariro uringe shure kwako
Ziva midzi yako, mwanangu kani
Hanzi nzombe huru yakabva mukurerwa
Ziva midzi yako mwanangu kani
Nhasi zvinondinetsa ndozviudza aniko?
Zvandaiti ndiwe baba vemangwana
Ini zvinondinetsa ndozviudza aniko?
Zvandaiti ndiwe baba vemangwana
Ziva midzi yako, mwanangu kani
Ziva kwawakabva, iwe mwanangu kani
Dzamisa ndangariro uringe shure kwako
Ziva midzi yako, mwanangu kani
Hanzi nzombe huru yakabva mukurerwa
Ziva midzi yako mwanangu kani

Unoda kutanga nekutenga ndege, here nhai mwanangu chokwadi?
Unoda kutanga tenga chitima here nhai mwanangu chokwadi?
Zvimwe unoda kutenga ngarava togofamba nemumvura, mwanangu
Ziva midzi yako mwanangu kani
Ziva kwawakabva iwe mwanangu kani
Dzamisa ndangariro uringe shure kwako
Ziva midzi yako mwanangu kani
Hanzi nzombe huru yakabva mukurerwa
Ziva midzi yako mwanangu kani
Hanzi nzombe huru yakabva mukurerwa
Ziva midzi yako mwanangu kani
Nhasi zvinondinetsa ndozviudza aniko?
Zvandaiti ndiwe baba vemangwana
Ini zvinondinetsa ndoviudza aniko?
Zvandaiti ndiwe baba vemangwana
Wadarireiko mwanangu?
Wadarireiko mwanangu?
Wandipa kuchema mwanangu
Wandipa kusvimha mwanangu, hiyo iyo

Mwananguwe usakanganwe
Mwananguwe zvinyore mu hana
Mwanangu, uhu hupenyu
Mwanangu, tiri huruva
Mwanangu, uhu hupenyu
Mwanangu, tiri huruva
Mwananguwe usakanganwe
Mwananguwe zvinyore mu hana
Kutapira kwemuchero, mwanangu, kwakabva nemukaruva, mwanangu
Kutapira kwemuchero, mwanangu, kwakabva nemukaruva, mwanangu
Kukukuridza kwejongwe, mwanangu, raimbove zanda, mwanangu
Kukukuridza kwejongwe, mwanangu, raimbovewo zanda, mwanangu
Mwanangu, usakanganwe
Mwanangu, zvinyore muhana

Поcмотреть все песни артиста

Другие альбомы исполнителя

Похожие исполнители