Kishore Kumar Hits

Leornard Karikoga Zhakata - Dzave Ngangariro текст песни

Исполнитель: Leornard Karikoga Zhakata

альбом: Vagoni Vebasa


Mudikani kufa wasvova
Usina nekumbondipawo ruonekedzo
Wadarirei kundisiya ndichidzimbwa nemoyo
Wadarirei kundinzvenga mudikani
Dzoka dzoka dzoka dzoka dzoka dzoka dzoka dzoka dzoka
Dzoka wangu
Nhai veduwe mwana uye andisvova kani
Anzvengeswa mandiri nevanotonga zvavo iwe
Ndakarivara ndisina kana fungidziro
Ndakarivara ndiri mukati merima
Munoziva kunzvengwa newawanga wakakoshesa muhana
Munoziva kunzvengwa newawanga wakakoshesa muhana
Idi unonzwa seiko
Sokuti ndikarangarira izwi rako chete mumwe wangu kani mumwe wangu
Ndikarangarira izwi rako chete mumwe wangu kani mumwe wangu
Misodzi yangu mudikani inoyerera kani
Misodzi yangu mudikani inoyerera kani
Idzo ndangariro dzezvataiita paye
Dzondifungisa kure kusingasvike vapenyu
Ndangariro dzezvataiita paye
Dzondifungisa kure kusingasvike vapenyu
Mwachewe wangu iwe
Mwachewe wangu iwe woye
Mwachewe
Wanyanyowanei chatokupa kukanganwa nezvanguwo
Wanyanyopiwei chatokupa kukoshiwa nezveduwo
Ndima yawanga watanga yave kuda kupedziswa
Ndima yawanga watanga yave kuda kupedziswa
Zanda rawakasiya rave kuda kuvhumbamirwa
Izwi rangu ndiro raita doko mudikani kani
Izwi rangu ndiro raita doko mudikani iwe
Deno ndazhamba zvimwe waindinzwawo mudikani kani
Deno ndazhamba zvimwe waindinzwawo mudikani iwe
Nesimba rangu ndiro raita shoma mwachewe kani
Nesimba rangu ndiro raita shoma mwachewe iwe
Deno ndine masimba ndaiuya kuzokubvutayo
Deno ndine masimba ndaiuya kuzokubvutayo
Sekuti ndikarangarira izwi rako chete mumwe wangu kani mumwe wangu
Misodzi yangu mudikani inoyerera kani
Idzo ndangariro dzezvataiita paye
Dzondifungisa kure kusingasvike vapenyu
Mwachewe wangu iwe
Mwachewe wangu iwe
Zvawakatotora zvombo zvese mudikani kani
Zvawakatakura zvombo zvese mudikani iwe
Hondo ikauya ndichabatana neiko
Hondo ikauya ndingabatana neiko
Zvawakatakura chikafu chese mwachewe kani
Zvawakatakura chikafu chese mwachewe iwe
Nzara ikauya ndichabatana neiko
Nzara ikauya ndingabatana neiko
Zvakaoma dhiya
Angova maroto nendangariro
Ndingakuone sei wafuratidzwa moyo
Angova maroto nendangariro
Ndingakuone sei wafuratidzwa moyo
Zvaita sei mudikani kubva waita museve waenda neuma
Ko nyaradzo iripi
Donhodzo kune rimi rinoririma mukati memoyo
Kune rimi rinoririma mukati memoyo
Douya undinyaradzewo
Douya undipukutewo masodzi
Douya undipungudzewo shungu

Поcмотреть все песни артиста

Другие альбомы исполнителя

Похожие исполнители