Kishore Kumar Hits

Leornard Karikoga Zhakata - Chitupe текст песни

Исполнитель: Leornard Karikoga Zhakata

альбом: Vagoni Vebasa


Handisirini ndakazvinyorawo
Handisirini ndakazvitaura
Ndangokokotawo mugapu renhaurwa
Ndokupepetawo kubva mugaringiro rezvinyorwa
Handisi kuzvipembedza kuve munatsi ini
Handisi kuzvishambadza kuve muhedheniwo
Hanzi makarekare Africa iyi yaiyera
Africa iyi yaiyera
Makarekare Africa iyi yaiyera
Africa iyi yaiyera
Asi kubva pakazouya vakauya
Vakatungamidza shoko rakanaka pamberi
Hanzi kubva pakazouya vakauya
Vakatungamidza shoko dzvene pamberi
Hanzi shoko parakagunzva hana dzedu takatendeuka rungwangwanangwana
Hanzi shoko parakagunzva hana dzedu takatendeuka rungwangwanangwana
Takatanga kudana midzimu tochiti mweya yakaipa
Takatanga kudana midzimu tochiti mweya yetsvina
Kutungamidzwa mberi kunofumura nzvimbo dzaiyera vakomana
Kutungamidzwa mberi kunofumura nzvimbo dzaiyera vakomana
Hanzi mapako matsime chaiwo mapopopo
Makomo nzvimbo dzaiyera muAfrica
Hanzi mapako matsime chaiwo mapopopo
Makomo nzvimbo dzaiyera muAfrica
Hona chitupe chakamwaya mudziva matinoshambira umu
Nhaka tichapera tese nemutangarira
Hona chitupe chakamwaya mudziva matinoshambira umu
Nhaka tichapera tese nemutangarira vakomana
Zvinoda Bhaibheri tiri kukoniwa
Uku tsika dzedu takarasa kare
Zvinoda Bhaibheri tiri kukoniwa
Uku tsika dzedu dzatove marara
Ruzhinji rwedu tiri kutamba naMwari
Tichibata mabasa akaipa
Nhamo yatichaona vanamukoma
Nhamo yatichaona chitaurirwa
Nhamo yatichaona vanamukoma
Nhamo yatichaona chitaurirwa
Nhamo yatichaona vanaamai
Nhamo yatichaona chitaurirwa
Nhamo yatichaona vanaamai
Nhamo yatichaona chitaurirwa
Tichapisa zvidhinha neuswa
Tichapisa zvidhinha neuswa
Tichadzima moto nemate
Tichadzima moto nemate
Tichatsenga mhandire nemavende
Tichatsenga mhandire nemavende
Ngoma ngoma ngoma
Yeah
Hama tichine basa guru rekuchenesa mabasa atinobata aya mukurarama
Vehama ndinzwei
Tese tichine basa guru rekupepeta mabasa atinobata aya mukurarama
Vehama ndinzwei

Поcмотреть все песни артиста

Другие альбомы исполнителя

Похожие исполнители