Kishore Kumar Hits

Leornard Karikoga Zhakata - Gomba Ramarara текст песни

Исполнитель: Leornard Karikoga Zhakata

альбом: Vagoni Vebasa


Uri kunzunzutira wasaririra kwakaenda vamwe kunopira zvichemo
Nguva yapera nhaiwe uchando tambirirwa here zvichemo zvako?
Rakasvika nemandiri shoko remumwe mambo
Ndiye oga anogamuchira zvichemo zvako
Paunosungikana iye anouya osunungura
Paunochemedzwa iye anouya okunyaradza
Nyangwe ukashungurudzwa iye anouya onyevenutsa
Kozvino iwe wanetswa neyiko hama yangu
Saka nyarara kuchema kani mumwe wangu
Wasuruwarei ko iwe?
Nyarara kuchema kani machewe wanetswa nei?
Nyarara kuchema kani, inzwa inzwa
Kwekuturira kuri ko
Kuriko kuriko kwekuturira
Kwekuturira kuriko
Nyangwe kapi, kapi kano kunetsa
Kwekuturira kuriko
Baba ndingada zvangu kuti ndigofamba ndichivataurira
Ini ndingada zvangu kuti ndigopota ndichivanyevera
Chete vana venyu vamwe vacho vakaoma moyo baba
Vamwe vacho moyo yavo inosinina ruvengo nehutsinye
Asi ndaida chose kuti tose tigoziva nyaya imwe chete
Kuti nyika ndini newe ka nezvakati komberedza
Hama nyika ndini newe ka nezvakati komberedza
Iyo nyika ndini newe ka nezvakati komberedza
Ayo makomborero edenga
Ko tingavenganirei ko?
Ko tingauranei hama?
Ko tingavenganirei ko?
Sei tichifarira kufa kwevamwe panyika?
Zvivakwa zvese zvenyika tinoshongedza wani
Vamwe tinoshanda mwedzi wese kuzvishongedza nezvipfeko
Ko moyo yedu hama we takaishongedza nei?
Ini wangu moyo vadikamwi ndakaushongedza ne rudo
Saka ngatitungidzei mwenje yerudo muhana dzedu
Hama ngatitungidzei mwenje yerudo muhana dzedu
Tose ngatitungidzei mwenje yerudo muhana dzedu
Nekuti nyika ndini newe nezvakati komberedza
Hama nyika ndini newe nezvakati komberedza
Ayo makomborero e denga
Regai ndikupeiwo muenzaniso wema zvokwadi
Vamwe vakaribika zano hmmm rikave mbodza
Vamwe vakaribika zano hmmm rikave mbodza
Vakange vatotara nguva namagumo ehupenyu hwangu
Vakange vatondicherera rinda muhana dzavo
Vakange vatondicherera rinda ndiri mupenyu
Asi nenyasha dzake zvakafovera mambo uyu
Asi nenyasha dzake zvakafovera mambo uyu
Zvino vachaisei rinda riye baba vakaramba ishe vakaramba
Zvino richava gomba remarara rinda riye baba vakaramba
Zvino richava gomba remarara rinda riye ravo richauya
Zvino richava gomba remarara rinda riye
Hauna simba nehupenyu hwako hama yangu
Ini handina simba nehupenyu hwangu ndingazvinyepera
Tose hatina simba nehupenyu hwedu tisazvinyepera
Saka nyarara kuchema kani mumwe wangu iwe
Wasuriwareiko iwe?
Nyarara kuchema kani, kuchema kuchema usina tariro
Nyarara kuchema kani, inzwaaa inzwaaa
Kwekuturira kuriko, kuriko kuriko kwekuturira
Kwekuturira kuriko, nyangwe kapi kapi zvako kanokunetsa
Kwekuturira kuriko
Yee, vane vezasi kwe Africa
Zimbabwe all stars
Pane mhaka pane muripo
Pane utsi pane moto
Pane mubvunzo pane mhinduro
She pavakaona kuti mberi kwaita rima
Vakabvoronga zvirongwa zvese rwendo rwukakundikana
Ipapo vatumwa va dhiyabhorosi
Vakanga vati tashanda basa redu tapedza
Vakanga zvino vakatarisira kuti vachanzwa yarira mhere
Wanikwe mwi mwi kwakanyarara
Wanikwe mwi mwi kwakanyarara
Wanikwe mwi mwi rufu hakuna
Wanikwe mwi mwi kune mafaro
Wanikwe mwi mwi kune mafaro
Hm, sorry ma gents

Поcмотреть все песни артиста

Другие альбомы исполнителя

Похожие исполнители