Kishore Kumar Hits

Leornard Karikoga Zhakata - Chido Ndinacho текст песни

Исполнитель: Leornard Karikoga Zhakata

альбом: Dzave Ndangariro

Inga ndasimudza maoko angu ose ini ndichibvuma
Kubvirowaridza nezvanza zvangu zvose ini ndichisarenda
Kuti zveutsinye ini ndakatosiira vaye vasingazive
Kana riri godo ini ndakatosiira vaya vepfungwa shoma
Zvakanaka kurumbidzwa nemabasa vakomana
Zvakanaka kurumbidzwa nemabasa nezviito
Zvakanaka kurumbidzwa nemabasa pachokwadi
Kwete kunatsa meso nenyemwerero
Moyo une ruvengo
Kwete kunatsa meso nenyemwerero
Moyo une uurayi
Zvakanaka kurumbidzwa nemabasa vakomana
Zvakanaka kurumbidzwa nemabasa nezviito
Zvakanaka kurumbidzwa nemabasa pachokwadi
Saka vanosemwa ini ndinokudanai ndigodya nemi
Kune vanosemwa ini ndinokudanai ndigodya nemi
Kana uchichema hama ndinokudana tigonyaradzana
Kana wakasuwa ini ndinokudana tigotandadzana
Zvakanaka kurumbidzwa nemabasa vakomana
Chido ndinacho chekukupai mose asi ndinoshaya
Chido ndinacho chekukuberekai asi simba handinawo
Saka vanosemwa ini ndinokudanai ndigodya nemi
Zvakanaka kurumbidzwa nemabasa vakomana
Zvakanaka kurumbidzwa nemabasa pachokwadi
Hoyo hoyo hoyo
Hoyo ndaziva nezvechakanaka ndochiwana sei
Hoyo ndaziva pandinoda kuenda ndopasvika sei
Hoyo ndaziva nezvetsiye nyoro ndodzipa ani
Hoyo ndaziva nezverudo nhasi ndorwupiwa naani
Hoyo hoyo hoyo hoyo hoyo hoyo hoyooo
Kokaa!
Hoyo hoyo hoyo hoyo hoyo
Zvakanaka kurumbidzwa nemabasa vakomana
Zvakanaka kurumbidzwa nemabasa pachokwadi
Hunhu'hu hunoda kumiminwa sehundi
Tisazokanganwa
Hunhu'hu hunoda kumiminwa sehundi
Tisazokanganwa
Gomo guru rakapera nekuwondomokera vakomana
Gomo guru rakapera nekuwondomokera
Tisazokanganwa
Gomo guru rakapera nekuwondomokera vakomana
Gomo guru rakapera nekuwondomokera
Tisazokanganwa
Kuti hunhu'hu hunoda kumiminwa sehundi
Hunhu'hu hunoda kumiminwa sehundi
Nemashokowo anoda kupepetwawo zvazviri
Nemashokowo anoda kupepetwawo zvazviri
Usati wareva
Ruramisa mabasa ako pasina kutya ngana hama yangu
Ruramisa mabasa ako pasina kutya ngana hama yangu
Hunhu'hu hunoda kumiminwa sehundi
Zvakanaka kurumbidzwa nemabasa vakomana
Zvakanaka kurumbidzwa nemabasa pachokwadi
Hoyo hoyo hoyo
Hoyo ndaziva nezvechakanaka ndochiwana sei
Hoyo ndaziva pandinoda kuenda ndopasvika sei
Hoyo ndaziva nezvetsiye nyoro ndodzipa ani
Hoyo ndaziva nezverudo nhasi ndorwupiwa naani
Hoyo hoyo hoyo hoyo hoyo hoyo hoyooo

Поcмотреть все песни артиста

Другие альбомы исполнителя

Похожие исполнители