Kishore Kumar Hits

Leornard Karikoga Zhakata - Handina Wangu текст песни

Исполнитель: Leornard Karikoga Zhakata

альбом: Dzave Ndangariro


Ndaisunga hata kutakura ranguwo svinga
Nditsigewoka kana uri wangu
Nditsigewoka kana uri wangu
Ini ndaisunga hata kutakura ranguwo svinga
Nditsigewoka kana uri wangu
Hanzi washunya arwa vakomana regaiwo ndizame
Zvimwe ndingangopundukawoka Mwari ndewedu tose
Hanzi washunya arwa vakomana regaiwo ndizame
Zvimwe ndingangopundukawoka Mwari ndewedu tose
Zvino ndoita kuronda kwavakazviwana
Vaya vakakunda honai vopembedzwa
Ini ndoita kuronda kwavakazviwana
Vaya vakakunda ndivo vopembedzwa
Baba ndoda kubata panorema kutsvaga kupundukawo
Handidi kuva chitota hwiza isina manda
Ini ndoda kubata panorema kutsvaga kupundukawo
Handidi kuva chitota hwiza isina manda
Mati ndoramba sei kufamba rwendo rwakaoma
Ruzere makwidza ndihwo upenyu hwacho
Ini ndoramba sei kufamba rwendo rwakaoma
Ruzere makwidza ndihwo upenyu hwacho
Saka ndoda kubata panorema kutsvaga kupundukawo
Handidi kuva chitota hwiza isina manda
Saka ndaisunga hata kutakura ranguwo svinga
Nditsigewoka kana uri wangu
Zora!
Handina wangu ininiwo
Zanondega ini zvangu
Handina wangu ininiwo
Zanondega ini zvangu
Handina wangu nhai iniwo
Zanondega ini zvangu
Panorwa mikono hapameriba huswa
Asi nharo dzangu ndotofira mukuedza chete
Panorwa mikono hapameriba huswa
Asi nharo dzangu ndotofira mukuedza ini
Kutsipikwa fungwa handirambiba zvangu
Asi zano rangu richapenya semheni bedzi
Kutsipikwa fungwa handirambiba zvangu
Asi zano riya richapenya semheni bedzi

Поcмотреть все песни артиста

Другие альбомы исполнителя

Похожие исполнители