Kishore Kumar Hits

Leornard Karikoga Zhakata - Unochemeyi текст песни

Исполнитель: Leornard Karikoga Zhakata

альбом: Dzave Ndangariro


Vanondichengeta vari kumatengawo
Ndine zvinondinetsa mumoyo mangu
Vanondichengeta vari kumatengawo
Donzwaiwo kuchema kwangu
Ini ndakamirira ruzhinji panyika
Ruri kuchema nzara vashoma vachiguta
Chave chitsidzo here midzimu inoyera
Kuti pasi rino isu tiri venhamo?

Ini ndaiti zvichapera kana ndakurawo
Ndisingazive zvichatonyanya
Nhamo ndaiti ichapera kana ndakurawo
Ndisingazive ichatonyanya
Vamwe vanondiudza kupfuma ishungu
Ko inga shungu ndinadzo waniko
Vamwe vanoti nhamo haina mugoni
Ko vana vevamwe vanoigona seiko?

Baba vakandibvunza kuti unochemeyi?
Nhamo haityiwe nyarara iwe kuchema
Usaona vanozvida ukati vagere
Nhamo hadzizivane pakare ipapo iwe
Usamboona vanozvida ukati vagere
Mumwe nemumwe ane twake tunomunetsawo

Ndinongogarochema sendakazvarirwe nhamo
Nhai vematenga ndizorodzeiwo
Inga makati nhamo igandidzanwa wani
Mukati chisingaperi chinoshura
Imi makati rugare tange nhamo wani
Mukati sango rinopa waneta
Inga kwandiri zvashaya basa nei?
Nhai vematenga muripiko?

Zvanyanyawoka izvi

Zhakata zvakare
Mupfanha muhombe
Kamu oversize kani

Ndakaivamba kare hondo neurombo
Ndikati akanga nyimo avengarara
Ndokuivamba ndini hondo neurombo
Ndikati akanga nyimo avengarara
Ko chitungamirai imi vemasimba
Zvandinoshuwa inga wani munozviziva
Ko chitungamirai imi vemasimba
Zvinondishungurudza chokwadi munozviziva
Kugaroshandira kufidha homwe dzevakapfuma
Kugaroshandira kufidha homwe dzevakapfuma
Ndichitadza kuvakisawo musha wangu une chimiro
Kutadza kuvakisawo musha wangu une chimiro
Kutadza kutengerawo mhuri yangu zvainoda
Kutadza kutengerawo mhuri yangu zvainoda
Kutadza kutengerawo mudiwa wangu zvaanoda
Kutadza kutengerawo mudiwa wangu zvaanoda
Ndomupeiwo wangu agare achifara
Ndomupeiwo wangu agare achifara
Mupeka zvaanoda
Usamunyime zvaanoda
Mupeka zvaanoda
Usamunyime zvaanoda
Mupewo zvinomugutsa
Usamupe svosva moyo
Mupewo zvinomugutsa
Usamupe svosva moyo
Moyo unoda asi homwe inoramba
Moyo unoda asi homwe inoramba
Moyo unoda asi homwe inoramba
Moyo unoda asi homwe inoramba vakomana ndodii?

Mazano marairanwa varume
Mazano marairanwa varume kani
Mazano marairanwa varume
Mazano marairanwa varume imi
Regai ndikuudzei
Regai ndikutaurirei
Regai ndikuudzei
Regai ndikutaurirei
Gona kusvipa mashoko anotapira
Wogorodza pfungwa dzako semutsunde iwe
Gona kusvipa mashoko anotapira
Wogorodza pfungwa dzako semutsunde iwe
Ukaironga bho tsoro unobuda bhobho
Ukaironga mushe tsoro unobata pakuru
Ukaironga bho tsoro unobuda bhobho
Ukaironga mushe tsoro unobata pakuru
Mazano marairanwa varume
Mazano marairanwa varume kani
Mazano marairanwa varume
Mazano marairanwa varume imi
Zvinhu zvinoda kushinga
Zvese zvinoda kushinga
Zvese zvinoda kushinga
Zvese zvinoda kushinga
Hapana akauya panyika akasenga humambo
Hapana akauya panyika akasenga huboss
Hapana akauya panyika akasenga humambo
Hapana akauya panyika akasenga huboss
Zvinhu zvinoda kushinga
Zvese zvinoda kushinga
Zvese zvinoda kushinga
Zvese zvinoda kushinga

Yeye
Simudza musoro tinzwe

Поcмотреть все песни артиста

Другие альбомы исполнителя

Похожие исполнители