Kishore Kumar Hits

Paul Matavire & Jairos Jiri Band - Unondidirei текст песни

Исполнитель: Paul Matavire & Jairos Jiri Band

альбом: Matavire Mbune


Unondidireiko mwana iwe (ndinokudira moyo wako unorudo)
Unondidireiko mwana iwe (ndinokudira moyo wako unorudo)
Unondidireiko mwana iwe (ndinokudira moyo wako unorudo)

Zvamazuva ano mudiwa wangu
Love yacho inoda kungwarirwa
Kana uchinge wadana nemhandara
Ibudire pachena somwedzi
Ita sadhiraivha wetarakita
Nhema hadzina zvadzinobatsira
Gara muchokwadi mazuva ose
Kuti mangwana zvisazokupandukira
Angangodai ari mwana weshoroma
Mududzire uri murombo
Dzidza munhu usati wamutora
Kuti mangwana zvisazokunetsa
Mubvunze chaakakudira
Kana iri mari usiyane naye
Mubvunze chaanokudira
Kana iri pfuma ugare wamusiya
Muudze zvauri chaizvo
Kuti mangwana zviregonetsa
Ndine hembe imwe chete woma ndikupfeke
Unondida here? (Ndinongokuda chinokona chii)
Hembe imwe chete woma ndikupfeke
Unondida here? (Ndinongokuda chinokona chii)
Mwedzi uri pakati ndisina mari
Unondida here? (Ndinongokuda chinokona chii)
Kubasa handiende mbatya inyoka
Unondida here? (Ndinongokuda chinokona chii)
Hokeyi

Uyu mubvunzo mukuru kwazvo
Kana uchinyara utumire gwevedzi
Upihwe nduma sechiratidzo
Ugomudzidza usati waroora
Chidiki chapedza chikuru
Tisipunu yakapedza saga reshuga
Mumusha munoda jongwe rimwe chete
Usazoti wakukuridza okukuridza
Mhinduro nyoro inodzora kutsamwa
Zvinoda moyo wakareba sechikeyi
Usazoita mutambo wemakudo
Kutamba muchibvarurirana hembe
Iyo love yamadhongi haiziyo
Romance yacho ndeyokukavana
Musazoita zvokutungana kwembudzi
Rudo rwuya rwomuto wenyemba
Zvamadzana mbwanana haiwa kwete
Dzidzanai musati maroorana
Vakuru vanoti benzi vhunza rakanaka you see
Haikona kungoita tatekile
Kungoita zimutevere
Unabvunzawo mudiwa wako
Kana uchinyara nechivanhu
Unongo tirayawo kari kachirungu
Unongo kiloka kachirungu mbichana
Wobvunza kuti why?
Why bhebhi?
Why do you love me?
Because I don't want to be taken just for a ride you know

Handioni use yekukwereta suit kana uchienda kumusikana
Kana wangoona kuti unonyara ku attacker
Nokuda kwekunakisisa kwaanenge akaita musikana wacho
Ini ndine angu mangoromera
Ndikangoti dzvutu kamukombe
Nhetemwa dzapera ndoto attacker
Zviri zvemari ndiri murombo ini
Asi pa love havangakwani iwe
Pari pamari ndiri murombo ini
Asi pa love ndinovakunda iwe
Zviri zvemari ndiri murombo ini
Asi pa love vanobondera iwe
Hoo iyerere, hoo iye
Murombo munhu vakomana
Hoo iyerere, hoo iye
Murombo munhu vakomana

Unondidireiko mwana iwe (ndinokudira moyo wako unorudo)
Unondidireiko mwana iwe (ndinokudira moyo wako unorudo)
Unondidireiko mwana iwe shuro yakaita seni
(Ndinokudira moyo wako unorudo)
Ndine hembe imwe chete woma ndikupfeke
Unondida here? (Ndinongokuda chinokona chii)
Hembe imwe chete woma ndikupfeke
Unondida here? (Ndinongokuda chinokona chii)
Mwedzi uri pakati ndisina mari
Unondida here? (Ndinongokuda chinokona chii)
Kumba kwamai vangu hakuna pombi
Mvura vanochera mumatsime
(Ndinongokuda chinokona chii)
Kumba kwamai vangu hakuna pombi
Mvura vanochera muchibhorani
(Ndinongokuda chinokona chii)
Kwedu tea tinomwa kaviri pagore nyuwere nekisimusi
(Ndinongokuda chinokona chii)
Hokeyi, hokeyi
Haikona kuzondinetsa mune ramangwana
I said more than the truth

Yedu vamwe haimharwe nenhunzi
Tinodzora nevasingadi
Tozvitaura isu vana mafira kureva
Ndinoreva iyemi varume
Vokuti kungopfimba musikana
Wanei munhu aremberedza nemakey emotikari
Vamwe nesvondo nesvondo
Anenge aine bank book mupoketi
Unoendepi naro mabhangi akavharwa
Oh vasikana
Munodireiko kuisa ma decoration pa love
Hanzi ndiri musikana, a true virgin
Ko kana ukangotaura chokwadi kuti ndiri nzvarakamwe
Kana kuti ndiri tsvingudzi
Ndakatomboroorwa ndikadzoka
Tsvingudzi dzinoroorwa wani
Nokuti kuzozviona pave paya
Divorce
Divorce hapana chimwe divorce
Itai seni vakomana
Mungadada zvenyu nemamirioni enyu emari
Yes ofcourse I'm also a millionaire
Because I've got more that a billion kisses
Reserved for one and only woman I will marry
Handimbovanzi zvandiri kudodada nezvigamba
That's why they call me Doctor Love
Ndotoimba hangu

Zviri zvemari ndiri murombo ini
Asi pa love havangakwani iwe
Zviri zvemari ndiri murombo ini
Asi pa love vanobondera iwe
Zviri zvemari ndiri murombo ini
Asi pa love ndinovakunda iwe
Hoo iyerere, hoo iye
Murombo munhu vakomana
Hoo iyerere, hoo iye
Murombo munhu vakomana

Unondidireiko mwana iwe (ndinokudira moyo wako unorudo)
Unondidireiko mwana iwe (ndinokudira moyo wako unorudo)
Unondidireiko mwana iwe (ndinokudira moyo wako unorudo)
Ndine hembe imwe chete woma ndikupfeke
Unondida here? (Ndinongokuda chinokona chii)
Mwedzi uri pakati ndisina mari
Unondida here? (Ndinongokuda chinokona chii)
Kumba kwamai vangu hakuna pombi
Mvura vanochera mumatsime
(Ndinongokuda chinokona chii)
Kumba kwamai vangu hakuna pombi
Mvura vanochera muchibhorani
(Ndinongokuda chinokona chii)
Kwedu tea tinomwa kaviri pagore nyuwere nekisimusi
(Ndinongokuda chinokona chii)
Hokeyi, hokeyi, hokeyi
Hokeyi, kana yadaro yakanaka

Hoo iyerere, hoo iye
Murombo munhu vakomana
Hoo iyerere, hoo iye
Murombo munhu vakomana

Поcмотреть все песни артиста

Другие альбомы исполнителя

Похожие исполнители