Iii inga mwana wenyu azokura
Ndiye Julie here uyu?
Ehe ndiyeye
Hesi nhanha
Oo ten cents utenge chihwichi
Kufana mai vanoramba vamwe
Ah, veduwe
Iti makamborambwa naani?
Izvi morevesa here nhai mai Julie?
Aizve, ko maita seizve nhai baba imi?
♪
Kundiidza here kani uku nhai baba imi?
Zvimwe muchiti munotamba imi makura
♪
Kundiidza here kani uku nhai baba imi?
Zvimwe muchiti munotamba imi makura
♪
Ndakanganisa here ini pakukufarirai?
Imi zvenyu mava kutofunga zvokunditsvetsva
♪
Ndakanganisa here ini pakukufarirai?
Imi zvenyu mava kutofunga zvokunditsvetsva
♪
Kuchena musoro hakusi kukura here imi?
Regai tsika dzenyu idzo dzinonyadzisa
♪
Kuchena musoro hakusi kukura here imi?
Regai tsika dzenyu idzo dzinonyadzisa
♪
Ndakanganisa mwanangu kani ndiregerere
Ndakura ndozviziva icho ichokwadi
Ndanga ndichiti kuda zvimwe iwe ungangodyire
Zvamazuva ano mwanangu hazvichina mudhara
Ndakanganisa mwanangu kani ndiregerere
Ndakura ndozviziva icho ichokwadi
Ndanga ndichiti kuda zvimwe iwe ungangodyira
Zvamazuva ano mwanangu hazvichina mudhara
♪
Iii mwanangu
Ndachiidzawozve zviraki
Ndandichiti kuda zvingaita nepamwe
Muchiidza raki kumukadzi wemuridzi?
Chokwadi zvenyu imi ndazvishaya
♪
Ndakanganisa mwanangu kani ndiregerere
Ndakura ndozviziva icho ichokwadi
Ndanga ndichiti kuda zvimwe iwe ungangodyire
Zvamazuva ano mwanangu hazvichina mudhara
Поcмотреть все песни артиста
Другие альбомы исполнителя