Ndikazvifunga ini ndikazvigaya
Zvohupenyu hwangu ndichiri mudiki
Amai vangu kani, amai vangu
Ndimi moga makandiriritira
♪
Ndikazvifunga ini ndikazvigaya
Zvohupenyu hwangu ndichiri mudiki
Amai vangu kani, amai vangu
Ndimi moga makandiriritira
♪
Kutambura kwangu nhasi kwapera
Kutambura kwenyuvo nhasi kwapera
Chamakarera nhasi chokuchengeta
Ndozvinodiwa nemudzimu amai
♪
Kutambura kwangu nhasi kwapera
Kutambura kwenyuvo nhasi kwapera
Chamakarera nhasi chokuchengeta
Ndozvinodiwa nemudzimu amai
♪
Chokwadi kubereka kwakanaka
Chandakarera nhasi chava kundireravo
Ndozvakanaka amai kuti midzimu ifare
♪
Amai mwana wenyu wakura chifarai
Amai mwana wenyu wakura chifarai
Honai ndiye ave baba venyu
Honai ndiye ave baba venyu
Amai mwana wenyu woshanda chifarai
Amai mwana wenyu woshanda chifarai
Honai ndiye ave kukuchengetai
Honai ndiye ave kukuchengetai
Поcмотреть все песни артиста
Другие альбомы исполнителя