Kishore Kumar Hits

Leonard Mapfumo - Seiko текст песни

Исполнитель: Leonard Mapfumo

альбом: NaMapfumo


Seiko makandisiya ndiri ndega?
Ndiine ndangariro dzerudo rwamaindipa
Seiko makandisiya ndiri ndega? (Ohh)
Ndiine ndangariro dzerudo rwamaindipa (ahh)
And I know, kuti amai maigona
Chitarisai mwana wenyu, ndasara ndangova nherera
Ndapfugama ndanamata, kwamuri imi Ishe ndinoziva
Shuwa mune rudo, mune tsitsi mune nyasha, asi nhasi
Haiwa mandigura kunorira, kundikandisa mapfumo pasi
Ndiani waiziva kuti zvinhu zvichadai?
Nhasi uno tongochema, tichibvunza Samatenga
Sei mavatora, matirova neshamhu nyoro?
Dzangove ndangariro, mhuri yose yoyuwira
Amai, danga manga muri pano, muri vatano amai
Taizofara tiri pamwe tiri tose amai
Ndinoziva tichaonana zvakare
Kusvika iro zuva zororai murugare amai (amai, amai)
Mmm, seiko makandisiya ndiri ndega?
Ndiine ndangariro dzerudo rwamaindipa
Seiko makandisiya ndiri ndega?
Ndiine ndangariro dzerudo rwamaindipa
Zvisinei ndichashanda nesimba sekutaura kwamaiita, "Ukashinga uchakunda"
Kuita kenyu amai, kwaipfura kwemurume, zuva nezuva
Maimukira musika, kuti tidye tichiguta
Haiwa ruri rudo, rwaive chiedza kwatiri
Nyangwe zvazvo nyika yaibaya, maitipa chokuisa mutsoka
Kana kwaitonhora maitipa chokupfeka
Haiwa kwaipisa maitipa zvitonhodzo
Zvakamgonangana nezviroto, maitiudza ngano dzehupenyu
"Chigadzira ramangwana usazove mombe yemashanga"
"Pfugama unamate, nokuti Mwari vanoona"
Kana zvangu ndaitadza chose, mairegerera amai
Danga manga muri pano, muri vatano amai
Taizofara tiri pamwe tiri tose amai
Ndinoziva tichaonana zvakare
Kusvika iro zuva zororai murugare amai
Seiko makandisiya ndiri ndega?
Ndiine ndangariro dzerudo rwamaindipa
Seiko makandisiya ndiri ndega?
Ndiine ndangariro dzerudo rwamaindipa
Seiko (seiko) makandisiya ndiri ndega? (Makandisiya)
Ndiine ndangariro dzerudo rwamaindipa (ohh)
Seiko makandisiya ndiri ndega?
Ndiine ndangariro dzerudo rwamaindipa
Seiko makandisiya ndiri ndega
Mukukura pasina amai ohh?
Nyama pasina munyu (dedicated, kunemi mose makarasikirwa)
Ohh imi amai, amai
Eyo, ndapukuta misodzi, ndinoziva muriko kumusoro makatarisa rino pasi
Vakuru vaiziva rufu ndimadzongonyedze, rinokanganisa zvose
Amai matisiya mhuri isingafungiri
Kunyangwe zvazvo muri kure, ndinoziva muchatichengetedza
Muchatichengetedza totosunga dzisimbe kuti tione ramangwana
Chiri chiso chenyu, chichagara chiri pamoyo amai
Ndinotenda, nerudo rwamaitipa, nyangwe zvazvo
Hupenyu hwaioma, kuvapo kwenyu kwaiita hwedu huve nyore
Haiwa ndairwara mairara makamira, kuti ndiwane kupona
Kana ndaichema, maivapo kunyaradza, maiva sakiso yeraramo amai
Danga manga muri pano, muri vatano amai
Taizofara tiri pamwe tiri tose amai
Ndinoziva tichaonana zvakare
Kusvika iro zuva zororai murugare amai
Seiko makandisiya ndiri ndega?
(Ohh) ndiine ndangariro dzerudo rwamaindipa
Seiko makandisiya ndiri ndega?
Ndiine ndangariro dzerudo rwamaindipa
Seiko makandisiya ndiri ndega? (Makandisiya)
Ndiine ndangariro dzerudo rwamaindipa
Seiko makandisiya ndiri ndega? (Yeah)
Ndiine ndangariro dzerudo rwamaindipa
Seiko makandisiya ndiri ndega?
Ndiine ndangariro dzerudo rwamaindipa (hondeyandeya hazvimborehwa)
Seiko makandisiya ndiri ndega? (Hondeyandeya hazvimborehwa)
Ndiine ndangariro dzerudo rwamaindipa
Ndikati, seiko makandisiya ndiri ndega?
Ndiine ndangariro dzerudo rwamaindipa
Seiko makandisiya ndiri ndega?
Ndiine ndangariro dzerudo rwamaindipa

Поcмотреть все песни артиста

Другие альбомы исполнителя

R&L

2019 · альбом

Похожие исполнители

Blot

Исполнитель

ExQ

Исполнитель