Kishore Kumar Hits

Ngonie Kambarami - Bvuma текст песни

Исполнитель: Ngonie Kambarami

альбом: Ndinoimba


Terera aya terera
Uri ruva rangu mwana akanakisa
Chimiro chako chinonwisa mvura
Kubata kudai kunge pondo shanu
Uri chimwe changu iwewe mwanasikana
Ungadai wabvuma kugara uneni
Nokuti rudo pano ndoparizere
Bvuma, bvuma (bvuma) kugara uneni (uneni)
Bvuma, bvuma iwe, uve wangu
Bvuma, bvuma (bvuma) kugara uneni
Bvuma, bvuma iwe, uve wangu
Pose paunopfuura ndinogarokutarisa
Ipo maziso edu anobva asangana
Iwe nyemwerero unobva watondipa
Moyo wangu mudiwa unobva wangodekara
Nokuti ndinoziva mudiwa
Kuti iwe wakasikirwa ini, ini ndokusikirwa iwe
Saka ngatigarisane ye
Bvuma, bvuma (bvuma) kugara uneni (uneni)
Bvuma, bvuma iwe uve wangu
Bvuma, bvuma kugara uneni
Bvuma, bvuma iwe, uve wangu
Ukabvuma kugara uneni
Ndichakupa zvose zvaunoshuvira mwanasikana
Ndinokuratidza iwe rudo rwakanyanya
Rwausingambofi wapihwa nemumwe
Chenai bvuma, kugara uneni
Bvuma, bvuma (bvuma) kugara uneni (uneni)
Bvuma, bvuma iwe, uve wangu
Bvuma, bvuma, kugara uneni
Bvuma, bvuma iwe, uve wangu

Haya, haya, haya, haya wo
Haya, haya, haya, haya wo
Haya, haya, haya, haya wo
Haya, haya, haya, haya woo

Bvuma, bvuma (bvuma) kugara uneni (uneni, ye)
Bvuma, bvuma iwe (woo) uve wangu (terera iwe)
Bvuma, bvuma, kugara uneni
Bvuma, bvuma iwe (terera) uve wangu

Поcмотреть все песни артиста

Другие альбомы исполнителя

Похожие исполнители

Roki

Исполнитель

ExQ

Исполнитель