Kishore Kumar Hits

Blessing Shumba - Ndine Chipikirwa текст песни

Исполнитель: Blessing Shumba

альбом: Ndi Jesu: Holy Psalms, Vol. 1


Makatiratidza rudo, makatiratidza tsitsi
Imi changamire Baba, Mwari wangu
Makatiratidza rudo, makatiratidza tsitsi
Imi changamire Baba, Mwari wangu
Imi munokosha Baba, tinotenda
Imi munokosha Mwari wangu (tinotenda Baba, ah)

Sanhasi ndarangarira idzo tsitsi dzenyu Baba
Nounyoro bwenyu Ishe wangu
Sanhasi ndarangarira idzo tsitsi dzenyu Baba
Nounyoro bwenyu, ah
Zvaivapo Baba kubva kare kare
Unyoro bwenyu Baba

Hamuna kurangarira zvoudoko bwangu
Makanaka Ishe, Ishe, Ishe
Ishe, Ishe, Ishe wangu

Pakusaziva Ishe maipamhidzira njere
Mondipawo
Pakushonga napahupenzi, eh-eh
Pakushonga napahupenzi
Maizouya mozevezera
Ziva kuti ndini Mwari
Ziva kuti ndini ndinotonga ndoti hemeni

Muri Mwari wangu kubva pahudoko bwangu Baba
Muri Mwari wangu kubva pahudoko bwangu Baba
Kubva padumbu ramai vangu
Ndinoziva kuti imwi muri Mwari, Mwari wangu

Makatiratidza rudo, makatiratidza tsitsi
Imi changamire Baba, Mwari wangu
Makatiratidza rudo, makatiratidza tsitsi
Imi changamire Baba, Mwari wangu
Mwari munokosha Baba, tinotenda
Imi munokosha Mwari wangu (tinotenda Baba, ah)

Kana mukuchema munyaradzi ndimi
Kana mukuchema munyaradzi ndimi
Kana mukusaziva zvokwadi nhasi ndimi
Mukuchema Baba, musimbisi ndiJehovah, hoo

Imi munosishandura kuungudza kwangu
Kuti uve mufaro munozviita
Izvo ndinopupura Mwari wangu
Imi munosishandura kuungudza kwangu
Kuti uve mufaro munozviita
Izvo ndinopupura Mwari wangu

Nyangwe simba kupera ndimi simba rangu
Nyangwe simba kupera ndimi simba rangu
Pfuma kuparara Baba ndimi pfuma yangu
Pfuma kuparara Baba ndimi pfuma yangu
Hama kutiza, ah, hama ndiJesu
Hama ndiJesu musachema
Hama ndiJesu musatya
Hama ndiJesu here
Hama ndiJesu
Ini, imi Mwari wangu
Ini, ini, hii Mwari wangu
Hii, hii, hii Mwari wangu

Nyangwe simba kupera ndimi simba rangu
Nyangwe simba kupera ndimi simba rangu
Pfuma kuparara Baba ndimi pfuma yangu
Pfuma kuparara Baba ndimi pfuma yangu
Hama kutiza, ah, hama ndiJesu

Поcмотреть все песни артиста

Другие альбомы исполнителя

Похожие исполнители