Kishore Kumar Hits

Blessing Shumba - Usachema Chema текст песни

Исполнитель: Blessing Shumba

альбом: Ndi Jesu: Holy Psalms, Vol. 1


Nyaradzai vanhu, nyaradzai vanhu vangu
Nyaradzai vanhu, nyaradzai vanhu vangu
Huwo-huwo, kunyarara kwauya
Huwo-huwo, kunyaradzwa kwauya

Enda undoudza nyika uti kuchema kwapera
Enda undoudza nyika uti kuchema kwapera
Enda undoudza vanhu uti kuchema kwapera
Enda undoudza vanhu uti kurwawo kwapera
Zvakaipa zvenyika ino zvaregererwa
Zvivi zvangu newe iwewe zvaregererwa

Takagashira kurobwa kwakaringana
Kunoindirana nezvivi zvatakabata
Ndokugashira kuedzwa kwakaenderana
Kune fananidzo yorutendo rwatiinarwo
Ah!
Gadzirai nzira yaShe murenje
Ruramisai mugwagwa waMwari wedu
Tochideredza nhasi zvikomo zvakakwirira
Kuti zvienderane nenzvimbo dzamapani
Tochideredza hona zvikomo zvakakwirira
Kuti zvienderane nenzvimbo dzamapani
Tochizadzisa mipata namakoronga
Kuti zvienderane nenzvimbo dzamapani
Uve muchechetere hona pamoyo yeduwo
Uve muchechetere mumoyo yeduwo
Uve muchechetere hona pamoyo yeduwo
Uve muchechetere mumoyo yeduwo

Nzira yaShe kana yarurama
Mugwagwa waShe kana waruramiswa, hona
Muchava chishamiso choridzirwa namanja
Tichakupaiwo simba remhemberero
Inzwi rokuseka nenzwi rokufara
Nechiedza chomwedze usingadzimi
Ndiye Jesu iyeye, hoho, iyeye
Ndiye Jesu varume
Uyu Mwari achapukuta misodzi yenherera
Yechirikadzi vakasuwa
Kuti vanhu vaone
Nokuziva
Nokurangarira
Nokunzwisisa kuti
Ndiye, ndiye Mwari wavo
Nzira yaShe kana yarurama
Nzira yaShe kana yaruramiswa
Ah!
Nyaradzai vanhu, nyaradzai vanhu vangu
Nyaradzai vanhu, nyaradzai vanhu vangu
Huwo-huwo, kunyarara kwauya
Huwo-huwo, kunyarara kwauya

Neni ndine vimbiso yandakapiwa
Kuti ndikupei venyika ino
NdiJeso uyu
Iwe usatya hako ndakakudzikinura
Ndakakudana nezita rako uri wangu
Nemumvura zhinji ndichava newe
Nzizi huru sei haunganyuri
Murazvi nemoto haungapiswi
Ah, ndiri Mwari wako ndichakusimbisa
Zvirokwazvo ini ndichakubatsira, wowo-wowo

Gadzirai nzira yaShe
Ruramisai nzira yaMwari wedu
Gadzirai nzira yaShe
Ruramisai nzira yaMwari wedu
Toruramisa nhasi nzira yaShe murenje
Toruramisa nhasi nzira yaShe mugwenga
Toruramisa nhasi nzira yaShe murenje
Toruramisa nhasi nzira yaShe mugwenga
Nyaradzai vanhu, nyaradzai vanhu vangu
Nyaradzai vanhu, nyaradzai vanhu vangu
Huwo-huwo, kunyarara kwauya
Huwo-huwo, kunyarara kwauya

Поcмотреть все песни артиста

Другие альбомы исполнителя

Похожие исполнители