Kishore Kumar Hits

Alick Macheso - Chikopokopo текст песни

Исполнитель: Alick Macheso

альбом: Ndezvashe-eh


Alick, Alick, ndire, ndire

Varidzi vemafaro, vanoita kuti mafaro uvepo
Hey
Alick Macheso, Phenomenon, Chikopokopo
Noel Nyazanga, Mvuramabwe
Zacharia, Zacharia, Mwedzi-chayedza
Lucky Mumiriki, Mubvumbi
Sergio Kasamba, Muvhenekeri mukati merima
Elton Muropa
Franco Daka, Engine yechitima
Obert Gomba auya nemabhananána

Kutsvaga mhosva pasina, kundimanikidza kubvuma zvandisina mhai
Ndiyeyu (ndiyeyu) ndiyeyu (ndiyeyu) zvanzi ndiyeyu
Koo ini ndazivei? Ndazivei?

Kutsvaga mhosva pasina, kundimanikidza kubvuma zvandisina mhai
Ndiyeyu (ndiyeyu) ndiyeyu (ndiyeyu) zvanzi ndiyeyu
Koo ini ndazivei? Ndazivei?
Kutsvaga Mwari kure-kure tichimusiya mumba matabuda varume
Kukwidza makomo (kukwidza makomo) nemuzvitombo (nemuzvitombo
Masango akadziva (masango akadziva) masango anoyera (anoyera)

Kutsvaga Mwari kure-kure tichimusiya mumba matabuda varume
Kukwidza makomo (kukwidza makomo) nemuzvitombo (nemuzvitombo
Masango akadziva (masango akadziva) masango anoyera (anoyera)

Mwari watinotenda ndiye Mwari wemhondi nevanopfuka varume
(Kusiyana pakuti mwene umire papi) umire papi?
(Unobatei?) Unobatei, zvingaite uraramise (uraramise)

Mwari watinotenda ndiye Mwari wemhondi nevanopfuka varume
(Kusiyana pakuti mwene umire papi) umire papi?
(Unobatei?) Unobatei, zvingaite uraramise (uraramise)

Vabereki tisarerere vana mu-tray, kuvaita sechingwa
Ngativarayei (ngativarayei) mumazvirikwazvo (mumazvirikwazvo)
Mune zvekwedu (mune zvekwedu) zvimwe zvisi zvevamwe (zvisi zvevamwe)

Vabereki tisarerere vana mu-tray, kuvaita sechingwa
Ngativarayei (ngativarayei) mumazvirikwazvo (mumazvirikwazvo)
Mune zvekwedu (mune zvekwedu) zvimwe zvisi zvevamwe (zvisi zvevamwe)

Newe musvikazuro zvakubata papi kuzenge sewaivapo
Wanga uripi? (Wanga uripi) mwana wazuro (mwana wazuro) mukaka pamhuno
(Mukaka pamhuno) kutsvaga hushe husihwako (hushe husihwako)

Newe musvikazuro zvakubata papi kuzenge sewaivapo munun'una
Wanga uripi? (Wanga uripi?) mwana wazuro uno (mwana wazuro) mukaka pamhuno
(Mukaka pamhuno) kutsvaga hushe husihwako (hushe husihwako)

Kana wafunga mugodhi (chera kusvika wabata mvura)
Vanhu voturuka (kuzochera mvura uchanzi uri gamba)
Hugamba huri pakawanda (hunoonekwa kuburikidza nemabasa)
Kana wafunga mugodhi (chera kusvika wabata mvura)
Vanhu voturuka (kuzochera mvura uchanzi uri gamba)
Hugamba huri pakawanda (hunoonekwa kuburikidza nemabasa)
Kana wafunga kuvaka (vaka kusvika musha wapera)
Mhuri yopembera (kurongedza midziyo tave pamusha)
Tave pamusha (tingadei zviuya zviri mberiyo?)
Kana wafunga mumhanzi (ridza uimbe vanhu vadakare)
Kana vadakara (urumbidze Mwari wako chete)
Kana zvaramba (usazotuke Mwari nevadzimu)

Chikopokopo, chikopokopo, chikopokopo, chikopokopo

Alick, Alick, Ndire, Alick Ndire, Alick

Usavundutsirwe nezizi kuti rine nyanga
Hadzisi nyanga, inzeve

Поcмотреть все песни артиста

Другие альбомы исполнителя

Похожие исполнители