Kubatanidzwa nekusunganidzwa
Nevhu ratinotsika, mhepo yatinofema
Saka tiri mhuri, irangaridzo
♪
Tikaita wongororo netsvakiridzo
Tichaona kuti hama tasvika chiyero
Chinodhimanda sungano
Ah, nehushingi, ah, nehushingi
Munoziva here kuti ivhu rinotukwa
Rigoudzwa kuti hazvinei hausi gwenga
Asi parizvino nyima vana vako zvibereko
Naro rigoteerera
♪
Chituko chinoudzwa kuti usadarike muganhu
Nacho chigoteerera
Svinurai meso emweya imwi vekwangu
Simba rehuchenjeri rine magumo iri
Pavakuda dzikinuro yemifungo yedu
Tigone kuchemera kwaari
Mutunga dzese, mweya unoera
♪
Nhaka kunotambwa chamupidigori
♪
Nhaka kunotambwa chamupidigori
Ndakatotsamwa
Handina zvemafani
Ndakatotsamwa
Handina zvemafani
Kana ndoda changu
Handina zvemafani
Kana toda chedu
Hatina zvemafani
Mweya waFarao
Nhasi tokuparadza
Tiri vana vezvivimbiso isu
♪
Usatambe nechibhakera chemusharukwa
Ichocho chinofamba nemashoko nemhepo
Kana uri shasha vhika shoko tione
Kana uri shasha vhika mhepo tione
Kana uri shasha vhika shoko tione
Kana uri shasha vhika mhepo tione
♪
Tapinda mwaka wekuzadziswa kwezvivimbiso
Uto romuvengi gungwa dzvuku hamuyambuki
Tapinda mwaka wekuzadziswa kwezvivimbiso
Uto romuvengi gungwa dzvuku hamuyambuki
♪
Mvura yegungwa kumera madziro
Nzara ikarova zvihuta zvonaya
Nyota ikarova dombo kusvipa mvura
Mwari ava, Mwari ava tinozodei
♪
Vangareverana zvavo nhema kwese kwavari
Mwaka uchasvika vachazomuziva
Mutunga dzese, ropa rinoera
♪
Siyai vachiwawata twusina maturo
Mwaka uchasvika vachazomuziva
Mutunga dzese, ropa rinoera
Поcмотреть все песни артиста
Другие альбомы исполнителя