Kishore Kumar Hits

Fishers of Men - Makabetei текст песни

Исполнитель: Fishers of Men

альбом: Vhuserere


Ko muchatiiko?
Kana Mwari Baba vachikubvuzai vana vangu
(Ko makabatei, makaiteiko mazuva ese amaive panyika?)
Ko muchatiiko?
Kana Jesu okubvunzai, kereke yangu
(Ko makabatei, makaiteiko neropa rangu rakadeuka?)
Ko muchatiiko?
Paari mukadzi muSamaria
Achiti nyangwe ndaiva pfambi ndakatendeuka ndikashumira
(Makaiteiko nenyasha dzose dzaive panyika?)
Ko muchatiiko?
Kana Zakeo opupura
Oti ndakakwira mumuti kuti ndimuone Jesu
(Makaoneiko nameso enyu zvamaive panyika?)
Ko tichatiiko?
Kana Elijah opupura
Achiti ndini ndakaparadza vaporofita vaBhaari
(Makaiteiko nemifananidzo yaive panyika?)
Ko tichatiiko pazambuko rine ndarama pavakagarira?
(Ko makabatei, makaiteiko mazuva ose amaive panyika?)
Ko tichatiiko pazambuko rine ndarama pavakagarira?
(Ko makabatei, makaiteiko mazuva ose amaive panyika?)

VanaPeter kudzidza vakanga vasina
Kana mari chaiyo (muhomwe vaigara vasina)
Zvavaingokupa (muupenyu hwavo ishoko raMwari)
VanaPeter kudzidza vakanga vasina
Kana mari chaiyo (muhomwe vaigara vasina)
Chavaingokupa (muupenyu hwavo ishoko raMwari)
Mupositori Pauro (waiva munhu wakaita sesu)
Kupisa nechando waizvinzwa sezvatinoita
Asi upenyu hwake wakahudurura kuivhangeri
Mupositori Pauro (waiva munhu wakaita sesu)
Nzara nenyota waizvinzwa sezvatinoita
Asi upenyu hwake wakahudurura kuivhangeri
Haleluya kuvaRoma shoko wakaenda naro
KuvaKorinde shoko wakaenda naro
KuvaEfeso (shoko wakaenda naro)
KuvaGaratiya (shoko wakaenda naro)
Nyangwe kuvaKorose shoko wakaenda naro
KuvaFilipi shoko wakaenda naro
Nyangwe Teseronika shoko wakaenda naro
Hameni, haleluya
Saka muchatiiko pazambuko rine ndarama vakagarira?
(Ko makabatei, makaiteiko mazuva ose amaive panyika?) Peter
Jakobho naJohwani
Ko muchatiiko pazambuko rine ndarama vakagarira?
(Ko makabatei, makaiteiko mazuva ose amaive panyika?)

Поcмотреть все песни артиста

Другие альбомы исполнителя

Похожие исполнители