Jesu ndiye ega
Jesu ndiye ega
Ko rimwe zita nderipiko
Hama ratinganamata?
Jesu ndiye ega
Jesu ndiye ega
Ko mumwe She ndianiko
Watinganamata kudenga napanyika?
Jesu ndiye ega
Jesu ndiye ega
Umwe She ndianiko
Hama watingapfugamira?
Jesu ndiye ega
Jesu ndiye ega
Ko rimwe zita nderipiko
Iroro rakatinzvira nyasha?
Kwete haisva, rimwe zita hakuna
Kwete haisva, umwe Mwari hakuna bodo
Ini ndakafamba munzvimbo dzakawanda
Ndikaona vanhu vazhinji vachinamata mombe
Hama ndakafamba matunhu akawanda
Ndokuona hama vamwe vachitenga zvikwambo
Vamwe vachitenda kumadzitateguru
Vashakabvu vemisha ndovatove vaMwari wavo
Vamwe vachitenda kumadzitateguru
Vakafa vemisha ndovatove vaMwari wavo
Chokwadi ndechipiko, ko shoko rinotiiko?
Jesu ndiye Mambo, kunze kwake hakuna mumwe
(Jesu ndiye ega) haleluya
(Jesu ndiye ega) haleluya
(Jesu ndiye ega) haleluya
(Watinganamata) hameni haleluya
(Jesu ndiye ega) haleluya, haleluya
(Jesu ndiye ega) hameni haleluya
(Jesu ndiye ega) haleluya
(Watinganamata)
Nyangwe madhimoni (Jesu ndiye ega)
Mukanyatsoabvunza anomuziva (Jesu ndiye ega)
Ehe anomuziva (Jesu ndiye ega)
Ehe anomuziva (watinganamata)
Vaya vanoroya dai vaitendeka (Jesu ndiye ega)
Vaikuudza kuti (Jesu ndiye ega)
Jesu ndiye ega Ishe (Jesu ndiye ega)
Haleluya (watinganamata)
Dai gehena raikwanisa kutaura (Jesu ndiye ega)
Mainzwa richiti (Jesu ndiye ega)
Jesu ndiye ega (Jesu ndiye ega)
Haleluya (watinganamata)
Kunyangwe chidhoma ukasangana nacho (Jesu ndiye ega)
Unachivhunza kuti (Jesu ndiye ega)
Jesu ndianiko? (Jesu ndiye ega)
Haleluya (watinganamata)
♪
Enda kumarinda kwakavigwa vanasekuru
Mapfupa avo ariko nokuti vakafa
Enda kumakuva uko kwakavaka vanagogo
Mapfupa avo ariko chikonzero vakafa
Hendei Palestina kwakambovigwa Jesu
Muguva make hamuna chinhu nokuti mupenyu
Hendei Jerusarema kwakambovigwa Jesu
Muguva make hamuna chinhu nokuti mupenyu
Hendei Jerusarema kwakambovigwa Jesu
Muguva make hamuna chinhu makangoonekwa machira chete
(Jesu ndiye ega) haleluya
(Jesu ndiye ega) haleluya
(Jesu ndiye ega) haleluya
(Watinganamata)
Hameni haleluya (Jesu ndiye ega)
Haleluya, haleluya (Jesu ndiye ega)
Hameni haleluya (Jesu ndiye ega)
Haleluya (watinganamata)
Nyangwe madhimoni (Jesu ndiye ega)
Ukanyatsoabvunza anomuziva (Jesu ndiye ega)
Anomuziva (Jesu ndiye ega)
Anomuziva (watinganamata)
Pinda mumachechi kwaanonamatwa (Jesu ndiye ega)
Unonzwa vachiti (Jesu ndiye ega)
Jesu ndiye ega Ishe (Jesu ndiye ega)
Haleluya (watinganamata)
Kana naSatani dai akatendeka (Jesu ndiye ega)
Mainzwa achiti (Jesu ndiye ega)
Jesu ndiye ega (Jesu ndiye ega)
Haleluya (watinganamata)
Поcмотреть все песни артиста
Другие альбомы исполнителя