Ishe Jesu vakakwira kudenga
Kunondigadzirira imba yekugara
Akavimbisa achauya onditora
Ndonogara naye ikoko
Ishe Jesu vakakwira kudenga
Kunondigadzirira musha wekugara
Iye wakavimbisa achauya onditora
Ndonogara naye ikoko
Ikoko, ikoko
Kusina nhamo namatambudziko
Ikoko, ikoko
Ndisiyei zvangu ndiende ikoko
Ikoko, ikoko
Kusina nhamo namatambudziko
Ikoko, ikoko
Ndisiyei zvangu ndiende ikoko
Zvakawanda zvinopinda mumeso angu
Zvizhinji kwazvo zvandinonzwe panyika
Asi zvose ndichafuratira
Dzamara ndazomutevera ikoko
Zvakawanda zvinopinde mumeso angu
Zvizhinji kwazvo zvandaudzwa panyika
Asi zvose ndichafuratira
Dzamara ndazomutevera ikoko
Ikoko, ikoko
Kusina nhamo namatambudziko
Ikoko, ikoko
Ndisiyei zvangu ndiende ikoko
Ikoko, ikoko
Kusina nhamo namatambudziko
Ikoko, ikoko
Ndisiyei zvangu ndiende ikoko
♪
Seshato Satani choda kundivaraidza ini
Kuvavarira kutora mufaro wangu
Ini ndichatarisa pana mambo Jesu
Dzamara ndazomutevera ikoko
Seshato Satani choda kundivaraidza ini
Kuvavarira kutora rugare rwangu
Asi ndichatarisa pana mambo Jesu
Dzamara ndazomutevera ikoko
Hakuna zvipomero, hakuna gakava
Hakuna makororo, hakuna rufu
Jerusarema kune runyararo
Ndichachema nemufaro ndasvika ikoko
Hakuna zvipomero, hakuna gakava
Hakuna makororo, ikoko hakuna rufu
Jerusarema kune runyararo
Ndichachema nemufaro ndave ikoko
Nzira imbiri yeupenyu neyerufu
Yerufu ndiyoyi yakafaranuka
Ini ndichatevera yakamanikana iyi
Dzamara ndazomutevera ikoko
Nzira imbiri yeupenyu neyerufu
Yerufu ndiyoyi yakafaranuka
Asi ndichatevera yakamanikana iyi
Dzamara ndazomutevera ikoko
Ikoko, ikoko
Kusina nhamo namatambudziko
Ikoko, ikoko
Ndisiyei zvangu ndiende ikoko
Ikoko, ikoko
Kusina nhamo namatambudziko
Ikoko, ikoko
Inini zvangu ndafunga ikoko
Поcмотреть все песни артиста
Другие альбомы исполнителя