Kishore Kumar Hits

Fishers of Men - Kutenda Kusina Mabasa текст песни

Исполнитель: Fishers of Men

альбом: Abba Father

Tikati kuna mbuya, mbuya Mwari vakukomborerei
Vachichemerawo mbeu
Ko zvinoreveiko?
Tikati kuna mai, mai Mwari vakukomborerei
Mumba musina hupfu
Ko zvinoreveiko?
Tikati kumurwere, hama Mwari vakukomborere
Asina chekufuka
Ko zvinoreveiko?
Tikati kumutorwa, hama Mwari vakukomborere
Achikumbirawo mvura
Ko zvinoreveiko?
Tikati kukacheche mwana, Mwari vakukomborere
Achichemera mukaka

Kachichemera mukaka
Ko zvinoreveiko?
Kana chiri chokudya iwe
Kana tinacho
Kana chiri chokudya iwe
Ngatimubatsire
Kana chiri chokupfeka
Kana tinacho
Kana chiri chokupfeka
Ngatimubatsire
Kana iriyo marika
Kana tinayo
Kana iriyo marika
Chingomubatsira
Kana pari pokugara
Kana munapo
Kana pari pekugara
Chingomuyamura
Kana chiri chokufuka
Kana tinacho
Kana chiri chokufuka

Kutenda kusina mabasa Pauro akaramba
(Kutaura nendimi kusina rudo ngongongongo ndava bhera)
Kutenda kusina mabasawe Pauro anoramba
(Ndimi dzega rudo musina ngwe, ngwe, ndava bhera)

She tiyamure
Tigodawo vamwe
Kwete kungodiwa toga
She tiyamure
Tifungewo vamwe
Kwete kufungiwa toga
She tiyamure
Tirerewo vamwe
Kwete kurerewa toga

Поcмотреть все песни артиста

Другие альбомы исполнителя

Похожие исполнители