Kishore Kumar Hits

Jah Prayzah - Ticheneke текст песни

Исполнитель: Jah Prayzah

альбом: Ticheneke


Pane manzwi nemashoko
Arikuramba kutsanangudzwa zvizere pamusoro peuso hwako
Ndaramba ndabvunza, ndikaramba ndacherechedza
Zvikanzi, "Tarisa uone, hapachina chiga chakajeka, kana chingakuyenderera"
Hapachina chiga chakajeka, kana ringava nenduramo (nenduramo)
Nekuti madzisekuru ako, akakanganwa kubvunza tateguru (tateguru)
Nhasi zvadzoka zvokupandukira, zvokupa hutenda nehurwere (nehurwere)
Nhasi zvodzoka zvokupandukira, zvokupa jambwa nemunyama muzukuru
Asi zvisigadziriswe zvizere, ramangwana rako rinojeka
Pamusha usingasvikwi nemweni (iyee) hmm
Nekuti samusha vane mheni (handidi) hmm
Hona vanofuratira zuva, haiwa, haiwawo
Husiku ndiyo yavo nguva (handidi) hmm
Muroyi kumira pachena, anyarire poi? (Poi? Hii, hii)
Zvikanzi ndimire pachena, ndinyarire poi, poi? (Poi, poi?)
Vodyira nyama kumakuva, hii, hmm
Voguta votomwira mvura, hii, hmm
Imi varume vane mvere chena (muri papi?)
Isu tauya kumadiramhamba (muri papi?)
Mutichenese ticheneke (tiripo kuripa kwakazara, Ishe wanguwe ndinzwe muri papi?)
Inzwai mukoma bere riye rachema (muri papi?)
Haa mwene waro oyamwisa (muri papi?)
Mutichenese ticheneke (tiripo kuripa kwakazara, Ishe wanguwe ndinzwe-we muri papi?)
Inzwai mukoma bere riye rachema (muri papi?)
Mwene waro oyamwisa (muri papi?)
Mutichenese ticheneke (tiripo kuripa kwakazara, Ishe wanguwe ndinzwe-we muri papi?)
Zijaya rangu rayambuka (muri papi?) muri papiko?
Vehukama vaya vogumbuka (muri papi?) muri papiko?
Mutichenese ticheneke (tiripo kuripa kwakazara, Ishe wanguwe ndinzwe-we muri papi?
Zijaya rangu rayambuka (muri papiko?)
Vehukama vaya vogumbuka (muri papiko?)
Mutichenese ticheneke (tiripo kuripa kwakazara, Ishe wanguwe ndinzwe-we muri papi?)
Imi varume vane mvere chena (muri papiko?)
Isu tauya kumadiramhamba (muri papiko?)
Mutichenese ticheneke (tiripo kuripa kwakazara Ishe wanguwe ndinzwe muri papi?)
Inzwai mukoma bere riye rachema (muri papi?)
Ha mwene waro oyamwisa (muri papiko?)
Mutichenese ticheneke (tiripo kuripa kwakazara, Ishe wanguwe ndinzwe-we muri papi?)
Zijaya rangu royambuka (muri papi?) Muri papiko?
Vehukama vaya vogumbuka (muri papi?) Muri papiko?
Mutichenese ticheneke (tiripo kuripa kwakazara, Ishe wanguwe ndinzwe-we muri papi?)
Muri papi?
Muri papi?
(Tiripo kuripa kwakazara Ishe wanguwe ndinzwe-we muripapi?)
Muri papi?
Muri papi?
(Tiripo kuripa kwakazara Ishe wanguwe ndinzwe-we muripapi?)
Handidi pamadzonitsoni yo, hatisati tayiboya nzira
Handidi, hatisati tayiboya nzira
Handidi pamadzonitsoni yo, hatisati tayiboya nzira
Handidi, hatisati tayiboya nzira

Поcмотреть все песни артиста

Другие альбомы исполнителя

Похожие исполнители

ExQ

Исполнитель