Kishore Kumar Hits

Jah Prayzah - Mhandu yenhamo текст песни

Исполнитель: Jah Prayzah

альбом: Chiremerera


Ndipei chirauro, ini handidi hove
Musandipe katsanga, katsanga, ndinodawo munda
Ndirimewo ndega (ahee, ahee) kangu kamunyorondega (ahee)
Vanopa ruzivo havana umbimbindoga
Ndini wekuuchira, ndichigamuchira
Ndinoda kuchirwawo, ndichigamuchidza
Ndimire semukono iwe, ndoti kokorigo (kokorigo)
Kumira kuti dzii pakati pembinga ipapo (ndipeiwo mazano ndive mhandu yenhamo)
Vakarongeka vanoenda kwakarongeka (mhandu yenhamo)
Vakarongeka vanoronga zvakarongeka (ndipeiwo mazano ndive mhandu yenhamo)
Hari yaamai (ehunde) vakati haina usavi (ehunde)
Vanoda chitaka chehwai (ehunde)
Nhava yababa (ehunde) vakati haina mari (ehunde)
Vanosenga gan'a (ehunde)
Cheukai, (ehunde) ndiende pari nane (ehunde)
Zvichida ishavi
Cheukai, (ehunde) ndiende pari nane (ehunde)
Zvichida ishavi
Ndirimewo ndega, kangu kamunyorondega, mm
Vanopa ruzivo havana umbimbindoga

Vembwachena, iwe kundidana nemutupo ndinomira zenze
Kana ndaenda, mhoti vanga vari pano yanga iri nhengo
Mwendamberi, iwe kundina nechidawo ndinomira zenze
Kana ndaenda, mhoti vanga vari pano yanga iri nhengo (ah, Mwendamberi)
Ndoda iri mhou (ehunde) handidi mukaka
Pfimbikai haikona kufukura pfimbi chengeta matura nhamo ichauya iwe
Dzirege dzive nhiyo (ehunde) mazai haana muto (ehunde)
Ndoda iri mhou (ehunde) handidi mukaka
Pfimbikai haikona kufukura pfimbi chengeta matura nhamo ichauya iwe
Siya dzive nhiyo (ehunde) mazai haana muto (ehunde) (ehunde)

Поcмотреть все песни артиста

Другие альбомы исполнителя

Похожие исполнители

ExQ

Исполнитель