Kishore Kumar Hits

Mambo Dhuterere - Ndinzwe Mambo текст песни

Исполнитель: Mambo Dhuterere

альбом: Zvinodzimba Ngoni


Ndinzwe ha-a ndinzwe
Ndinzwei Mambo ndinzwe
Ndinzweiwo ndinzwe
Ndinokunamatai Baba (ndinzwei Mambo ndinzwe)
Jaire Samasimba (ndinzwe ha-a ndinzwe)
Ndinokukumbirai Baba (ndinzwei Mambo ndinzwe)
Emanuwere ane ngoni (ndinzweiwo, ndinzwe)
Ngoni dzenyu baba (ndinzwei Mambo ndinzwe)
Dziputsirwe mandiri (ndinzwe ha-a ndinzwe)
Ngoni dzenyu Baba (ndinzwei Mambo ndinzwe)
Dziputsirwe mandiri (ndinzweiwo, ndinzwe)
Ndatyora huso (ndinzwei Mambo, ndinzwe)
Ndadana Jerusarima (ndinzwe ha-a ndinzwe)
Zarurai mazambara (ndinzwei Mambo ndinzwe)
Ndinzwe muchinda werugare (ndinzweiwo, ndinzwe)
Ndiye Mwari anoyera (ndinzwei Mambo ndinzwe)
Agere panoyera (ndinzwe ha-a ndinzwe)
Baba vanobwinya (ndinzwei Mambo ndinzwe)
Chigaro chinobwinya (ndinzweiwo ndinzwe)
Zodzai ngoni Baba (ndinzwei Mambo ndinzwe)
Ndinzwei pakuteura (ndinzwe ha-a ndinzwe)
Ndikarota humambo (ndinzwei Mambo ndinzwe)
Panyama hazvizadziswe (ndinzweiwo ndinzwe)
Asi ndikarota rufu (ndinzwei Mambo ndinzwe)
Ndonzwa mukoma aparara (ndinzwe ha-a ndinzwe)
Ndikarota ndarama (ndinzwei Mambo ndinzwe)
Ndinomuka ndiine nhoko (ndinzwe ha-a ndinzwe)
Asi pandarota rufu (ndinzwei Mambo ndinzwe)
Izvozvi kune mariro (ndinzwe ha-a ndinzwe)
Kudyirwa munda nembwa (ndinzwei Mambo ndinzwe)
Sendakarima zondo (ndinzwe ha-a ndinzwe)
Dhimoni kugara pamwena (ndinzwei Mambo ndinzwe)
Kuponda dzichiri hope (ndinzwe ha-a ndinzwe)
Ndozosara ndoshanda (ndinzwei Mambo ndinzwe)
Panyama ndodikitira (ndinzwe ha-a ndinzwe)
Kuhope vatopedza neni (ndinzwei Mambo ndinzwe)
Chakanaka ratakura (ndinzwe ha-a ndinzwe)
Hongu ndovaka rudo (ndinzwei Mambo ndinzwe)
Kuhope ndovaka rudo (ndinzwe ha-a ndinzwe)
Ndabvunza muporofira (ndinzwei Mambo ndinzwe)
Ati, "Imweya yakaipa." (ndinzwe ha-a ndinzwe)
Ndinomborota ndichidonha Mambo (ndinzwei Mambo ndinzwe)
Ndichiwira mugomba (ndinzweiwo, ndinzwe)
Ndava pedyo kunotunga ivhu (ndinzwei Mambo ndinzwe)
Vhundu ndopepuka(ndinzwe ha-a ndinzwe)
Ndaneta nekungodzingirirwa kuhope (ndinzwei Mambo ndinzwe)
Ndichingomhanya (ndinzweiwo, ndinzwe)
Ndabvunza muporofita (ndinzwei Mambo ndinzwe)
Ati, "Imweya yakaipa." (ndinzwe ha-a ndinzwe)
Ndizadzei Mambo (ndinzwei Mambo ndinzwe)
NeMweya (ndinzwe ha-a ndinzwe)
Mweya nemweya (ndinzwei Mambo ndinzwe)
Mweya unoyera (ndinzwe ha-a ndinzwe)
Hatirwe nemapfupa (ndinzwei Mambo ndinzwe)
Nenyama inoora (ndinzwe ha-a ndinzwe)
Hondo ndeyeMweya (ndinzwei Mambo ndinzwe)
Mweya chiburuka (ndinzwe ha-a ndinzwe)
Kurwa handikwedu (ndinzwei Mambo ndinzwe)
Kurwa ndekwaMwari (ndinzweiwo, ndinzwe)
Kurwa ndekwaBaba (ndinzwei Mambo ndinzwe)
Mweya chipindira (ndinzwe ha-a ndinzwe)
Mumweya mune hondo (ndinzwei Mambo ndinzwe)
Yemachinda ePersia (ndinzwe ha-a ndinzwe)
Nemweya yemunyanza (ndinzwei Mambo ndinzwe)
Nyangwe yemubwiro (ndinzwe ha-a ndinzwe)
Ndizadzei Mambo (ndinzwei Mambo ndinzwe)
Nemweya (ndinzwe ha-a ndinzwe)
Mweya nemweya (ndinzwei Mambo ndinzwe)
Mweya unoyera (ndinzwe ha-a ndinzwe)
Ha-a a-ah a-ah simba ndimi munaro (ndinzwei Mambo ndinzwe)
Simba ndimi (ndinzwe ha-a ndinzwe)
Ah-h hi-i simba ndimi munaro (ndinzwei Mambo ndinzwe)
Hi-i i-ih i-ih ngoni ndimi munadzo (ndinzwei Mambo ndinzwe)
Ngoni ndimi ahihi (ndinzwe ha-a ndinzwe)
Ngoni ndimi munadzo (ndinzwei Mambo ndinzwe)
He-e he-e simba ndimi munaro (ndinzwei Mambo ndinzwe)
Simba ndimi (ndinzwe ha-a ndinzwe)
Ah-h hi-ih simba ndimi munaro (ndinzwei Mambo ndinzwe)
Vazhinji hatina moyo (ndinzwei Mambo ndinzwe)
Moyo yekwanaJobho (ndinzwe ha-a ndinzwe)
Hatina moyo inotsungirira (ndinzwei Mambo ndinzwe)
Munhamo nemumadzudzo (ndinzwe ha-a ndinzwe)
Handidi zvokunyenyeredza (ndinzwei Mambo ndinzwe)
Handina simba (ndinzwe ha-a ndinzwe)
Nhamo ikanditsika konzi (ndinzwei Mambo ndinzwe)
Moyo unorunduka (ndinzwe ha-a ndinzwe)
Ikodzero dzangu tenzi (ndinzwei Mambo ndinzwe)
Kudya ndichitosiya (ndinzwe ha-a ndinzwe)
Rugare rwukandinyenyeredza (ndinzwei Mambo ndinzwe)
Moyo unorunduka (ndinzwe ha-a ndinzwe)
Saka nhamo musairega (ndinzwei Mambo ndinzwe)
Ichisvika pedyo neni (ndinzweiwo, ndinzwe)
Hosha musadzirega (ndinzwei Mambo ndinzwe)
Dzichisvika pedyo neni (ndinzwe ha-a ndinzwe)
Nerufu musarwurega (ndinzwei Mambo ndinzwe)
Rwuchisvika pedyo neni (ndinzweiwo, ndinzwe)
Ndinzwei Mambo ndinzwe
Ndinzwe ha-a ndinzwe
Ndinzwei Mambo ndinzwe
Ma-Makumbe Production (production)

Поcмотреть все песни артиста

Другие альбомы исполнителя

Похожие исполнители