Mwari wekudenga, Mwari wevafumi, Mwari wevaranda
Mwari wekudenga, Mwari wevafumi, Mwari wenyasha
Heunowu muvhunzo, todini? Todini? Todini?
♪
Imhodzi rudzii yamadyara matiri Mambo? Isingameri nekutumbuka
Isingakohwewe, iyoyi, iyoyi, iyoyi?
♪
Dura rayo riripi? Chero neTsapi dzayo dziripi?
Dai zvaiwanikwa ndaisva ndavesera moto zvikatsva
Posare rota rinotsvairwa nemhepo yedenga iyoyi, iyoyi, iyoyi
♪
Pane apuhwa makomborero hatifarire seiko?
Pane kuti timuzembere tigovawo nevambutso naye
Tofamba naye mumagutwa nemunzara
♪
Pane rudo vamwe tinofara mumwe anotsamwa
Panekuti timubvunze tozorondawo matsimba erudo
Murudo, mazirudo, eh, erudo
♪
Musayerure mhumhu, tererai mashoko
Iwo mazambuko wani zvaakasiyana
Musayerure mhumhu, tererai mashoko
Iwo mazambuko wani zvaakasiyana
Vamwe vakaudzwa hondo nemurwere wepfungwa
Vakamushora kwahi, "Anorwara uyu"
Musayerure mhumhu, tererai mashoko
Iwo mazambuko wani zvaakasiyana
Vamwe vakaudzwa hondo nemurwere wepfungwa
Vakamushora kwahi, "Anorwara uyu"
Musayerure mhumhu, tererai mashoko
Iwo mazambuko wani zvaakasiyana
Ini ndakaponera mukati-kati mechaunga
Ini ndakayambukira mukati mevanhu hobho
Musayerure mhumhu, tererai mashoko
Iwo mazambuko wani zvaakasiyana
Ini ndakaponera mukati-kati mechaunga
Joe akayambuka akabata vent
Musayerure mhumhu, tererai mashoko
Iwo mazambuko wani zvaakasiyana
Поcмотреть все песни артиста
Другие альбомы исполнителя