Kishore Kumar Hits

Charles Charamba - Mhinduro Iripo текст песни

Исполнитель: Charles Charamba

альбом: Early Hits


Mhinduro iripo mukoma
Mhinduro ndiJesu
WeNazareta
Mhinduro yamaitsvaga yakawanikwa
Mhinduro ndiJesu
WeNazareta
Mhinduro iripo mukoma
Mhinduro ndiJesu
WeNazareta
Mhinduro yamaitsvaga yakawanikwa
Mhinduro ndiJesu
WeNazareta
Saka nyarara kuchema
Mukoma kani
Nyarara
Mukoma nyarara kuchema
Ko inga zvatoitika
Nyarara
Nyarara kuchema
Mukoma kani
Nyarara
Mukoma ndati nyarara kuchema
Inga rufu rwatowanikwa
Nyarara
Nyarara kuchema
Nyangwe nemi amai nababa
Nyarara
Amai nababa
Nyararai kuchema
Inga zvatoitika
Nyararai
Nyararai kuchema
Kune mudikani
Hama yedu watisiya uyu
Zvotirwadza zvotibaya Moyo
Asi ngatironge ramangwana
Kune mudikani
Mwatiya wataviga uyu
Zvotirwadza zvotibaya moyo
Asi ngatironge ramangwanaka
Vanamai vanababa kudzimba uko
Tariraika zvaite nyika
Ko inga yaparara
Vakomana vasikana kumigwagwa
Kumafaro uko
Chionaika kwainda nyika
Muvambi nemukwanisi wekutenda kwedu Jehovah
Kana tikasamudaidza yaparara nyika
Nyarara
Nyarara kuchema
Muvambi nemukwanisi wekutenda kwedu Jehovah
Kana tikasamudaidza yaparara nyika
Nyarara
Mhinduro iripo mukoma
Mhinduro ndiJesu
WeNazareta
Shamhu haipedze musikanzwa wemwana
Anogona ndiJesu
WeNazareta
Nyangwe jere haripedze musikanzwa wababa
Chinogona iropa
Repamuchinjikwa
Ino haisi nguva yekutarisa
Mhiri kwemakungwa
Hallelujah
I nguva yekutarisa
Kumusoro kudenga
Haisi nguva yekutsvaga mumwewo mazvikokota
Hallelujah
I nguva yekutsvaga Chiso chaJesu
Muvambi nemukwanisi wekutenda kwedu Jehovah
Kana tikasamudaidza yaparara nyika
Nyarara
Nyarara kuchema
Muvambi nemukwanisi wekutenda kwedu Jehovah
Kana tikasamudaidza yaparara nyika
Nyarara
Nyarara kuchema
Ndakamuona mumwe waisekwa
Nyarara
Wairwara nemukondombera
Nyarara kuchema
Musadaro veduwe
Nyarara
Ndakaiona hama akavata panhovo
Nyarara kuchema
Waitambudzwa nehama
Nyarara
Musadaro veduwe
Nyarara
Mufunge kuna vanamai
Vatakaviga pasi apa
Vasina mhosva yavakatadza
Mhosva ndeyachiremba
Kuna vanababa vanababa vakatendeka
Vakabatwa nedenda iri
Mhosva ndeyamai
Uye tine vana
Vamwe vakadai sevacheche
Vasina zvavanoziva
Amen hallalujah
Uye tine vana
Vamwe vakadai sevacheche
Vasina zvavakaita
Ko vakaiteiko?
Nyangwe vataitsiura ivavo vachiramba
Hama ngativayamure
Inga mweya waMwari
Pavanoda kudya
Kunwa kugeza nokupfeka
Vaitirei zvakanaka
Inga mweya waMwari
Nyarara
Mhinduro iripo mukoma
Mhinduro ndiJesu
WeNazareta
Mhinduro yamaitsvaga yakawanikwa
Mhinduro ndiJesu
WeNazareta
Mhinduro iripo mukoma
Mhinduro ndiJesu
WeNazareta
Mhinduro yamaitsvaga yakawanikwa
Mhinduro ndiJesu
WeNazareta

Поcмотреть все песни артиста

Другие альбомы исполнителя

Похожие исполнители