Kishore Kumar Hits

Charles Charamba - MuSamaria текст песни

Исполнитель: Charles Charamba

альбом: Sungura Gospel Classics

Iye mukadzi muSamaria akabvunza
Zvikanzi, "Madzibaba edu vainamata mugomo iri
VaJuda voti muJerusarema ndomokunamatira
Saka toita sei?"
Mukadzi muSamaria akabvunza
Zvikanzi, "Madzibaba edu vainamata mugomo umu
Imimi moti muJerusarema ndomokunamatira
Saka toenda kupi?"
Ishe Jesu vakamupindura
"Zvino teerera, murandakadzi teerera, muSamaria teerera
Ichakwana nguva nazvino yatokwana, kuti vanonamata baba
Vachavanamata mumweya nomuzvokwadi, Baba vanotsvaga vakadaro"
Ishe Jesu ndokumupindura
"Zvino teerera, murandakadzi teerera, muSamaria teerera
Ichakwana nguva nazvino yatokwana yekuti vanorumbidza baba
Vachavarumbidza mumweya nomuzvokwadi, Baba vanotsvaga vakadaro
Yatokwana baba (yatokwana nguva yacho yatokwana)
Yatokwana baba (yatokwana nazvino yatokwana)
Yatokwana baba (yatokwana nguva yacho yatokwana)
Yatokwana baba (yatokwana nazvino yatokwana)
Watokwana mwaka wacho (watokwana mwaka wacho watokwana)
Watokwana baba (watokwana nazvino watokwana)
Watokwana mwaka (watokwana mwaka wacho watokwana)
Watokwana baba (watokwana nazvino watokwana)
Ratokwana gore (ratokwana gore racho ratokwana)
Ratokwana baba (ratokwana nazvino ratokwana)
Ratokwana gore (ratokwana gore racho ratokwana)
Ratokwana baba (ratokwana nazvino ratokwana)
Yes

Mukadzi muSamaria akabvunza
Zvikanzi, "Madzibaba edu vainamata mugomo iri
Imimi moti muJerusarema ndomokunamatira
Isu toenda kupi?"
Mai muSamaria ndokubvunza
Zvikanzi, "Madzibaba edu vairumbidza mugomo umu
MaJudah moti muJerusarema ndomokunamatira
Saka toenda kupi?"
Ishe Jesu vakamupindura
"Mai teererai, murandakadzika teerera, muSamaria teerera
Ichakwana nguva nazvino yatokwana yekuti vanonamata baba
Vachavanamata mumweya nomuzvokwadi, Baba vanotsvaga vakadaro"
Ishe Jesu ndokumupindura
"Zvino teerera, murandakadzika teerera, muSamaria teerera
Eh, ichakwana nguva nazvino yatokwana yekuti vanorumbidza baba
Vachavarumbidza mumweya nomuzvokwadi, Baba vanotsvaga vakadaro"
Yatokwana baba (yatokwana nguva yacho yatokwana)
Yatokwana baba (yatokwana nazvino yatokwana)
Yatokwana baba (yatokwana nguva yacho yatokwana)
Yatokwana baba (yatokwana nazvino yatokwana)
Watokwana mwaka, mwaka wacho (watokwana mwaka wacho)
Watokwana baba (watokwana nazvino watokwana)
Watokwana mwaka, mwaka wacho (watokwana mwaka wacho)
Watokwana baba (watokwana nazvino watokwana)
Ratokwana gore (ratokwana gore racho ratokwana)
Ratokwana baba (ratokwana nazvino ratokwana)
Ratokwana gore (ratokwana gore racho ratokwana)
Ratokwana baba (nazvino ratokwana)
Yeee, yeee, peace be unto you
Rugare ngaruve nemi

Nziyo dzesvondo dzakanaka asi raramai shoko ramunoimba
Nziyo dzesvondo dzakanaka asi raramai shoko ramashaura
Zvipfeko dzesvondo zvakanaka, kana mopfeka mopfekawo naJesu
Zvipfeko zvesvondo zvakanaka asi moyo yenyu ngaipfeke Jesu
Kuparidza vhangeri kwakanaka asi raramai shoko ramaparidza
Kuparidza vhangeri kwakanaka asi raramai shoko ramaparidza

Поcмотреть все песни артиста

Другие альбомы исполнителя

Похожие исполнители