Kishore Kumar Hits

Charles Charamba - Ibasa Rangu текст песни

Исполнитель: Charles Charamba

альбом: Sungura Gospel Classics


Kana ndoshaura ndidaireiwo
Ndinoda kudarika pakasvika Miriam
Mhandara yakashaura here nezuva riye
Kupemberera kuparara kwana Pharaoh
Kana ndorasika ndidzoreiwo
Handidi kufanana nejaya Samson
Akatumwa nevhangeri mukomana uye
Gare gare tsvee tande nana Dherira
Ini kwandinotumwa ndibatsirei ndiende
Handidi kutevera tsoka dzake Jonah
Wakatumwa ku Ninevah mukomana uye
Iye tande tsvee, kuTashishi
Ini kana ndotamba ndipeiwo mukana
Ndinoda kudarika pakasvika David
Mambo wakatamba iye nezuva riye
Wakatamba kusvika mai vapopota
Ini kana ndodzana sudurukai kani
Ndinoda kudarika pakasvika David
Mambo wakatamba iye nezuva riye
Wakatamba kusvika mai vapopota
Ibasa rangu kutamba, kutambira Baba
(Ibasa rangu kutamba) kutambira Baba
(Ibasa rangu kutamba) kushumira shoko
(Ibasa rangu kushumira) kushumira Baba
(Ibasa rangu kushumira) kuimbira Baba
(Ibasa rangu kuimba) kuimbira Baba
(Ibasa rangu kuimba)

Kana ndoshaura ndidaireiwo
Ndinoda kudarika pakasvika Miriam
Mhandara yakashaura here nezuva riye
Kupemberera kuparara kwana Pharaoh
Kana ndorasika ndidzoreiwo
Handidi kufanana nejaya Samson
Akatumwa nevhangeri mukomana uye
Gare gare tsvee tande nana Dherira
Ini kwandinotumwa ndibatsirei ndiende
Handidi kutevera tsoka dzake Jonah
Wakatumwa ku Ninevah mukomana uye
Iye tande tsvee, kuTashishi
Ini pandinotamba ndipeiwo mukana
Ndinoda kudarika pakasvika David
Mambo wakatamba iye nezuva riye
Wakatamba kusvika mai vapopota
Ini kana ndodzana sudurukai kani
Ndinoda kudarika pakasvika David
Mambo wakatamba iye nezuva riye
Wakatamba kusvika mai vapopota
Ibasa rangu kutamba, kutambira Baba
(Ibasa rangu kutamba) kutambira Baba
(Ibasa rangu kutamba) kushaurira Tenzi
(Ibasa rangu kushaura) kushaurira Baba
(Ibasa rangu kushaura) kushumire shoko
(Ibasa rangu kushumira) kushumira Baba
(Ibasa rangu kushumira)
Regai ndimuimbire (ibasa rangu kushaura) zvimwe ndingazofa
Ndisina kumuimbira (ibasa rangu kushaura) iro riri basa rangu
Regai ndimutambire (ibasa rangu kushaura) zvimwe ndingazofa
Ndisina kumutambira (ibasa rangu kushaura) iro riri basa rangu
Regai ndimushumire (ibasa rangu kushaura) zvimwe ndingazofa
Ndisina kumushumira (ibasa rangu kushaura) iro riri basa rangu
Regai ndimushandire (ibasa rangu kushaura) zvimwe ndingazofa
Ndisina kumushandira (ibasa rangu kushaura) iro riri basa rangu
Saka ngairire ngoma (ibasa rangu kushaura) ridzai zvakanaka
Nditambire baba (ibasa rangu kushaura)
Dariro ngarikure (ibasa rangu kushaura) sudurukai vakomana
Nditambe zvakanaka (ibasa rangu kushaura)
Dziri kupiko mbira iwe (ibasa rangu kushaura) vindu hwedu vakomana
Tiimbire Baba (ibasa rangu kushaura)
Mufundisi fundisai (ibasa rangu kushaura) zvimwe mungazofa
Musina wamafundisa (ibasa rangu kushaura) iro riri basa renyu
Muvhangeri vhangerai (ibasa rangu kushaura) zvimwe mungazofa
Musina wamavhangera (ibasa rangu kushaura) iro riri basa renyu
Muparidzi paridzai (ibasa rangu kushaura) zvimwe mungazofa
Musina wamaparidza (ibasa rangu kushaura) iro riri basa renyu
Kushandira Baba (ibasa rangu kushaura)
(Ibasa rangu kushaura)

Поcмотреть все песни артиста

Другие альбомы исполнителя

Похожие исполнители