Kishore Kumar Hits

Charles Charamba - Wamunoda Aurawe текст песни

Исполнитель: Charles Charamba

альбом: Passover Classics


Dai rudo rwavanhu rwaishanda hamawe
Jesu dai asina kufa vanhu vakatarisa
Dai rudo rwavanhu rwaishanda hamawe
Jesu dai asina kufa masikati machena

Pakaurayiwa iye Mwanakomana waMwari
Vanhu vese vakadeedzera kuti (Jesu ndiye ngauraiwe)
Pakauraiwa Jesu Mwanakomana waMwari
Vanhu vese vakadeedzera kuti (Jesu ndiye ngauraiwe)

Touraya upi pakati pavo, Jesu kana Bhanabhasi?
Nyika yese yakadeedzera kuti (Jesu ndiye ngauraiwe)
Kurarame upi pakati pavo, Jesu kana Bhanabhasi?
Nyika yese yakadeedzera kuti (Bhanabhasi ngararame)

Ndiani wamunoda aurawe?
Ndiani wamunoda aurawe?
Ndiani wamunoda aurawe?
Ndiani wamunoda aurawe?
Vanhu vese, vanhu vese
Vanhu vese vakadeedzera kuti Jesu
Vanhu vese, vanhu vese
Vanhu vese vakadeedzera kuti Jesu
Nyika yose, nyika yose
Nyika yose yakadeedzera kuti Jesu
Nyika yose, nyika yose
Nyika yose yakadeedzera kuti Jesu

Vaakambopa zvinhu zvekudya naivo vaivepo
Asi nhasi vodeedzera kuti (Jesu ndiye ngauraiwe)
Zvingwa zvishanu nehove mbiri vakadya vakaguta
Ko vari kupi nhasi zvazvanzi Jesu (ndiye ngauraiwe)
Vamwe vakanwa waini pamuchato wepaKana
Vari kupi nhasi zvazvanzi Jesu (ndiye ngauraiwe)
Razaro wakamutswa kuvakafa naJesu
Hama dzake dzakadeedzera kuti (Jesu ndiye ngauraiwe)
Rega kuti kana mai vakauya nhamo yangu yaenda
Nokuti mai vako munhu, munhu anopererwawo
Rega kuti kana nhingi akauya nhamo yangu yaenda
Nokuti nhingiwo munhu, munhu anoshanduka
Ndiani wamunoda aurawe?
Ndiani wamunoda aurawe?
Ndiani wamunoda aurawe?
Ndiani wamunoda aurawe?
Vanhu vese, vanhu vese
Vanhu vese vakadeedzera kuti Jesu
Vanhu vese, vanhu vese
Vanhu vese vakadeedzera kuti Jesu
Nyika yose, nyika yose
Nyika yose yakadeedzera kuti Jesu
Nyika yose, nyika yose
Nyika yose yakadeedzera kuti Jesu

Поcмотреть все песни артиста

Другие альбомы исполнителя

Похожие исполнители