Kishore Kumar Hits

Charles Charamba - Machira Chete текст песни

Исполнитель: Charles Charamba

альбом: Passover Classics


Akamuka vakangoona machira chete
Akamuka vakangoona machira chete
Akamuka vakangoona machira chete
Kwakangosara machira chete
Akamuka vakangoona machira chete
Akamuka vakangoona machira chete
Akamuka vakangoona machira chete
Kwakangosara machira chete
Chishamiso chakaitika kunze kweJerusarema
Mai Maria vokwaJakobho namai Magadarina
Ndokufumira kubwiro kuye wane Jesu hamuna
Vakangoona machira chete
Chishamiso chakaitika hamawe pasi rino
Mai Maria mai vaShe Jesu namai Magadarina
Kufuma kuenda kurinda kuye wane Jesu hamuna
Vakangoona machira chete
Varindiri veguva izvi zvakavashamisa
Ibwe kukungurika musuwo wozarurika
Jesu omuka kuvafi pasina akamuona
Achisiya machira chete
Vatungamiri venyika navo zvakavashamisa
Ibwe kukungurika musuwo wozarurika
Jesu omuka kuvafi sokutaura kwaakaita
Ndokungosiya machira chete
Kana vanhu venyika vakatyiswawo nazvo
Nekuti kufa kwake kwese vakakuona
Kuzoti kuvigwa kwake vazhinji zvaive mumeso
Sei kusara machira chete?
(Akamuka vakangoona machira chete)
Toimba machira chete
(Akamuka vakangoona machira chete) toimba machira
Toimba machira chete
(Akamuka vakangoona machira chete) Jesu wakamuka
Halleluya (kwakangosara machira chete)
Toimba machira chete
(Akamuka vakangoona machira chete) toimba machira
Toimba machira chete
(Akamuka vakangoona machira chete) toimba machira
Chete aJesu (akamuka vakangoona machira chete)
Jesu wakamuka (kwakangosara machira chete)
Toimba machira chete
(Akamuka vakangoona machira chete)
Toimba machira chete
(Akamuka vakangoona machira chete) toimba machira
Toimba machira chete
(Akamuka vakangoona machira chete) toimba machira
Chete aJesu (kwakangosara machira chete)
Jesu wakamuka
(Akamuka vakangoona machira chete)
Jesu wakamuka
(Akamuka vakangoona machira chete) halleluya
Chete aJesu
(Akamuka vakangoona machira chete) chikonzero chiripo waniko
(Kwakangosara machira chete)
Ava vana Cleopas vachienda Emasi
Hava kuziva Jesu uyu wakafamba navo
Vakatomubvunza nekumuudzawo nyaya
Yekusara kwemachira chete
Ivo Mambo Jesu vakadura chiporofita
Mwanakomana wemunhu zvaakavinga rufu
Seiko kushamisikazve neiyoyi nyaya
Yekusara kwemachira chete
Ivo Mambo Jesu ndokudura chiporofita
Mwanakomana wemunhu zvaakavinga rufu
Seiko kushamisikazve neiyoyi nyaya
Yekusara kwemachira chete
Sezvo zvanga zvakanyorwa kuti Jesu waizozvarwa
Waizosungwa kurambwa, kurohwa nekutukwa
Ucharovererwa, kuvigwa pamwe nekumuka
Kwakangosara machira chete
Sezvo zvanga zvakanyorwa kuti Jesu waizozvarwa
Waisungwa kurambwa, kurohwa nekutukwa
Ucharovererwa, kuvigwa pamwe nekumuka
Kwakangosara machira chete
Toimba machira chete
(Akamuka vakangoona machira chete) toimba machira
Toimba machira chete
(Akamuka vakangoona machira chete) toimba halleluya
Halleluya (akamuka vakangoona machira chete)
(Kwakangosara machira chete)
Toimba machira chete
(Akamuka vakangoona machira chete) toimba machira
Toimba machira chete
(Akamuka vakangoona machira chete) toimba machira

Поcмотреть все песни артиста

Другие альбомы исполнителя

Похожие исполнители