Kishore Kumar Hits

Marshall Munhumumwe - Guwa текст песни

Исполнитель: Marshall Munhumumwe

альбом: Pfimbi Yangu


Guwa uri mwana waniko iwe?
Guwa uri mwana waniko kani?
Ukagara pamusha, vanhu havachawirirani
Dai waive muonde, shiri hadzaikudya iwe
Dai waive mvura, vanhu vaidzipwa pakunwa
Dai waive imba, waigarwa nevakachena moyo
Guwa uri mwana waniko kani?
Guwa uri mwana waniko iwe?
Guwa uri mwana waniko iwe?
Guwa uri mwana waniko kani?
Guwa uri mharadzi iwe
Unoparadza misha yevanhu
Guwa uri mhunza punza kani
Unoputsa misha yevanhu
Mutupo wako chiko usina vamwe
Dzinza rako chiiko risina vamwe
Chidawo chako chiiko chisina vamwe
Guwa uri mwana waniko kani?

Guwa uri mwana waniko iwe?
(Guhwa watadzisa vanhu kugara)
Guhwa namukoma vako jerasi
(Jerasi watadzisa vanhu kugara)
Nehanzvadzi yenyu hutsinye
(Hutsinye watadzisa vanhu kugara)
Muri vana vaaniko kani?
(Guhwa watadzisa vanhu kugara)
Muri vana vaaniko imi
(Jerasi watadzisa vanhu kugara)
Vana vadiki vanongorwara
(Hutsinye watadzisa vanhu kugara)
Pamusana penyuka imi
(Guhwa watadzisa vanhu kugara)
Vanasikana vanodzoka kutsime
(Jerasi watadzisa vanhu kugara)
Vasisataudzane
(Hutsinye watadzisa vanhu kugara)
Vakomana vatadza kutsvaga basa
(Guhwa watadzisa vanhu kugara)
Pamusana penyuka imi
(Jerasi watadzisa vanhu kugara)
Vanamai vapisa miriwo
(Hutsinye watadzisa vanhu kugara)
Pamusana penyuka imi
(Guhwa watadzisa vanhu kugara)
Vanababa vatadza kutarisana
(Jerasi watadzisa vanhu kugara)
Pamusana penyuka imi
(Hutsinye watadzisa vanhu kugara)
Muri vana vaaniko imi?
(Guhwa watadzisa vanhu kugara)
Muri vana vaaniko imi?
(Jerasi watadzisa vanhu kugara)

Поcмотреть все песни артиста

Другие альбомы исполнителя

Похожие исполнители