Zuva ramangwana nderimwe
Kana ndisinewe ngarisasvike
Rwendo rwatatanga tipedzise
Kure kuye kusina nzeve
Rudo rwukatuma hauvhike
Nyangwe nyika ichiguma handiende
Kana ndisinewe
Kazevezeve kanoda munzeve
Mhepo inofefedza irimumakore
Rwiyo rwemuhana mangu iwe
Uve, ndive
Tisingafurirwe
Bvuma bvuma bvuma
Usarambe
Nyangwe nyika ichiguma handiende
Kana ndisinewe
Newe ndinoda kuenda
Newe kusina vakawandisa
Newe zvatichanoita
Ikoko newe
Usawane kana hwani waunoudza
Kumhanya-mhanya kwete
Pore pore nerudo
Zvaunoda zvishoma
Ndine zvimwe zvandinazvo
Babie kudaizvi daizvi
Sandi zvemuromo
Tsvigiri ne spice
Kana uchi nemukaka
Newe ndinoda kuenda
Newe kusina vakawandisa
Newe zvatichanoita
Ikoko newe
Usawane kana hwani waunoudza
Kunakidza
Vimbisa
Ndezvedu tega
Pasi pemwedzi nenyeredzi
Yemhambakwedza
Tive tive semhepo nehuruva
Tisamirire nguva
Ramangwana nderimwe
Ndisinewe handiende
Haniende ndisisinewe
Newe ndinoda kuenda
Newe kusina vakawandisa
Newe zvatichanoita
Ikoko newe
Usawane kana hwani waunoudza
Поcмотреть все песни артиста
Другие альбомы исполнителя