Kishore Kumar Hits

Freeman HKD - Rima текст песни

Исполнитель: Freeman HKD

альбом: Freeman & Friends


Baba Harare musadaro
HK- (Soul Jah-,Soul Jah-)
Iye (Dj)
Tichinge tapinda masango masango
Pakuda imi chipangamazano
Itai tipesane nenhamo
Nzendo dzacho dzatatanga mufambo
Ishe patinenge tichifamba tisasangane nerima
Kana miyedzo inenge Mellisa, Lindsay kana Katarina
Kombereraiwo chandinobata chisasangane nerima
Ndikayedzwa nganditi ndaguta, ndogutsikana nezvandakarima
Nekuti ndega ndawoneswa horror
Chandabata chese vanongochishora
Vanenge machitoda nevhu nesora
Kuda kundiita nyama yemagora
Pazvakanzi mukombe ndatora
Havafare mafuta ndapenya ndazora
Hasha voda kundikika sebhora
Havana mufaro ndichinge ndagona
Tsamba yangu kwamuri ndanyora
Ndichinge ndarasika mugondidzora
Chinenge chisiri changu ndisatora
Baba Harare dzokorodza chorus
Ishe patinenge tichifamba tisasangane nerima
Kana miyedzo inenge Mellisa, Lindsay kana Katarina
Kombereraiwo chandinobata chisasangane nerima
Ndikayedzwa nganditi ndaguta, ndogutsikana nezvandakarima
Rima hatiridi Ishe, vhenekaiwo tigofamba mushe
Mazwi matete asandivhiringe achinge apinda munzeve
Vanenge vachitoda ndisasvike
Kwandinoyenda zvisapera mushe
Honai face dzavo kufinyama muchinge mandipa mugove
Vanoda ndisangane nejambwa
Haiwa izvozvo ndaramba
Vanondida vakachinja pfungwa vanofara zvikanzi ndarambwa
Nejambwa, haiwa izvozvo ndaramba
Vanondida vakachinja pfungwa vanofara zvikanzi ndarambwa
Tichinge tapinda masango masango
Pakuda Imi Chipangamazano
Itai tipesane nenhamo
Nzendo dzacho dzatatanga mufambo
Ishe patinenge tichifamba tisasangane nerima
Kana miyedzo inenge Mellisa, Lindsay kana Katarina
Kombereraiwo chandinobata chisasangane nerima
Ndikayedzwa nganditi ndaguta, ndogutsikana nezvandakarima
Nekuti ndega ndawoneswa horror
Chandabata chese vanongochishora
Vanenge machitoda nevhu nesora
Kuda kundiita nyama yemagora
Pazvakanzi mukombe ndatora
Havafare mafuta ndapenya ndazora
Hasha voda kundikika sebhora
Havana mufaro ndichinge ndagona
Tsamba yangu kwamuri ndanyora
Ndichinge ndarasika mugondidzora
Chinenge chisiri changu ndisatora
Baba Harare dzokorodza chorus
Ishe patinenge tichifamba tisasangane nerima
Kombereraiwo chandinobata chisasangane nerima

Поcмотреть все песни артиста

Другие альбомы исполнителя

Похожие исполнители

ExQ

Исполнитель