Kishore Kumar Hits

Winky D - Taitirana текст песни

Исполнитель: Winky D

альбом: PaKitchen


Ehe, ehe
Heng!
Maninja
Lipsy
Bigmani
Hee!
Pandakuona uchipfuura Bigmani
Ndakufarira ini ndakufarira
Une bhachi nejini rako
Ndaifarira ini ndaifarira
Pandazoona wakanditarisa
Yarova hana yangu yarova
Ndamboita kunge ndafa
Kukugaira babe, kugaira
Saka handinonoke ku planner
Ndenge ndakuona ini newe tichidanana
Ndenge ndakuona taa mukomana nemusikana
Tiri mufirimu dhiringi tichimwisana
Kana neni ndaona takudanana
Kana neni ndaona taa nevana
Ini Lipsy ndiri mai vevana
Iwe Bigmani uri baba vevana
Hoo, ndotenda Mwari mandipa interest
Ini ndinotenda vandipa mufesi
Ngatidanane tichienda mberi pasina reverse
Wozouya kumba Bigmani, owo adhiresi
Ndikauya handizovhurumuswa here nana tsano
Aiwa huya, ndinogaya zano
Rangarira ndakapindirwa nemwana wevanhu pamubhedha
Hadzisi ngano
Bigmani ini chimboinditemba
Nei?
Nekuti ini ndine skiri
Babe, unozviziva kuti tsuro haimbofa yakapona murutsva kaviri
Pandakuona uchipfuura Bigmani
Ndakufarira ini ndakufarira
Une bhachi nejini rako
Ndaifarira ini ndaifarira
Pandazoona wakanditarisa
Yarova hana yangu yarova
Babe, ndamboita kunge ndafa
Kukugaira babe, kugaira
Saka handinonoke ku planner
Ndenge ndakuona ini newe tichidanana
Ndenge ndakuona taa mukomana nemusikana
Tiri mufirimu dhiringi tichimwisana
Kana neni ndaona takudanana
Kana neni ndaona taa nevana
Ini Lipsy ndiri mai vevana
Iwe Bigmani uri baba vevana
Pa facebook ndotsvaka ndichiti ani
Ndinonzi Lipsy, ndiri big fan
Babe, usambonyara makorokoto
Wapinda murudo neni Bigmani
Aah! Une vasikana vangani
Ndange ndirina parizvino ndava ne one
Aiwa chimbomira kundinyepera
Taura chokwadi unyadzise satani
Ndakambodanana naTsitsi akandi cheater
Ichokwadi bvunza kana Sulumani
Saka mufesi wangu ndichamutii
Unongomuudza wazowana ari nani
Pandakuona uchipfuura Bigmani
Ndakufarira ini ndakufarira
Une bhachi nejini rako
Ndaifarira ini ndaifarira
Pandazoona wakanditarisa
Yarova hana yangu yarova
Ndamboita kunge ndafa
Kukugaira babe, kugaira
Saka handinonoke ku planner
Babe, ndakuona ini newe tichidanana
Babe, ndakuona taa mukomana nemusikana
Tiri mufirimu dhiringi tichimwisana
Kana neni ndaona takudanana
Kana neni ndaona taa nevana
Ini Lipsy ndiri mai vevana
Iwe Bigmani uri baba vevana
Maninja
Lipsy
Bigmani
Hee!

Поcмотреть все песни артиста

Другие альбомы исполнителя

Похожие исполнители

ExQ

Исполнитель