Kishore Kumar Hits

Winky D - Copyrights текст песни

Исполнитель: Winky D

альбом: Gafa Life Kickstape

Hamusati maona
Vanongotihaya pavanodira voti faya
Ndaramba no disguise, ndakuda ghetto voice
Toda kupukunyuka nhamo
To-, Tocky vibes
Handichada zviya zvokuti unondiunzira bhaibhiri wobva wanditi nditsanye 40 nights
Ndirini chandiri kungoda kabetter life
Handivhare maziso kusvika ndaketa bhaizi
This time ndakasvinura hakuna anondigarisa mu dish
Nekuti handisi seta lite
Tisu tine ma copyrights enhamo asi tinongo seka sengano
Ndisu tinozvi feeler zviripano asi tinongoseka sengano
(Oh, oh, oh, oh, oh, oh, oh, oh, oh, oh) haiwa sengano
(Oh, oh, oh, oh, oh, oh, oh, oh, oh, oh) haiwa sengano
Toshanda eight to five, kutsvaga kurarama hapana zhet mulife
Landlord ndamutiza nhasi date ndi five
Pa gheto pangu zviri kupisa aiwa haisi bhaizi
Zvimoko zvobiswa humhandara nepack ye rice
Madhara oda kechidiki osiya yavo size
Kuvabvunza vanokupindura tichiri boys
Isu zvatinoti hanzvadzi kwavari ndoma toys
Vakuru muchidai ndiani achapa advice
Nhamo haina basa nezera kana ne body size
Ndosaka ndati tine ma poverty copyrights
Ndodawo kalife kemudenga kunge Emirates
Bigman
Tisu tine ma copyrights enhamo asi tinongo seka sengano
Ndisu tinozvi feeler zviripano but tinongoseka sengano
(Oh, oh, oh, oh, oh, oh, oh, oh, oh, oh) haiwa sengano
(Oh, oh, oh, oh, oh, oh, oh, oh, oh, oh)
Misodzi yochururuka ari kudzingwa ma vendor
Nemari yemusika kugwazhi ndakaenda
Ini ndotenda vari kutengesa kuriritira mhuri dzavo 365 days dze karenda
Ndabva ndapinda Glenview ndaona ma carpenter
Dzimwe munadzo torai dzimwe idzi makapenga
Kuzama life chete kumberi kwatinoenda
Hapasi kubuda zvakawanda but isu tinotenda
Ndikafunga zve life yangu ini ndazvi tommentor
Kungondiudza ndine nungo wandi offender
Tiri kuzama kuzvibatanidza zvichiramba
Ma gheto youths hatisi ku pretender
Tisu tine ma copyrights enhamo asi tinongo seka sengano
Ndisu tinozvi feeler zviripano but tinongoseka sengano
(Oh, oh, oh, oh, oh, oh, oh, oh, oh, oh) haiwa sengano
(Oh, oh, oh, oh, oh, oh, oh, oh, oh, oh)
Pa gheto zvinhu hazvina kumira mushe this time, no, no, no
Asi chichemo changu kuma youths haikona ku mixer ne kind, no, no, no
Misodzi yandachema ma gheto youths yangangooma, yakangooma
Tiri ku tryer but hapana kana chiri kufaya
Ende hamusati maona, hamusati maona
Vanongotihaya pavadira votifaya
Ndaramba no disguise, ndakuda ghetto voice
Toda kupukunyuka nhamo
Tocky vibes
Handichada zviya zvokuti unondiunzira bhaibhiri wobva wanditi nditsanye 40 nights
Ndirini chandiri kungoda kabetter life
Handivhare maziso kusvika ndaketa bhaizi
This time ndakasvinura hakuna anondigarisa mu dish
Nekuti handisi seta lite
Tisu tine ma copyrights enhamo asi tinongo seka sengano
Ndisu tinozvi feeler zviripano but tinongoseka sengano
(Oh, oh, oh, oh, oh, oh, oh, oh, oh, oh) haiwa sengano
(Oh, oh, oh, oh, oh, oh, oh, oh, oh, oh) haiwa sengano
Ndiko kufara kauku, purezha ine pound
Oh, takagarira purezha kunge
Paita one chimafiya nechi Gafa
Patinomira panonzi pane Gafa
One chimafiya nechi Gafa
Hanzi ndopainokika fanike musvaba
Takachimhanya pachi mafia, ndozvatinoita

Поcмотреть все песни артиста

Другие альбомы исполнителя

Похожие исполнители

ExQ

Исполнитель