Kishore Kumar Hits

Winky D - Hooray текст песни

Исполнитель: Winky D

альбом: Gafa Futi


Ga, ga, Gafa
Taivaona vachisasana
Vachiri kamukomana nekamusikana
Vamwe vaiti, "Vachachaya mapoto"
Vamwe vaiti, "Hapana zvichaperera muchoto"
Vamwe vaiti, "Hameno, ndezvekwavo ikoko"
Nhasi vazounganidza vanhu saka toisa maoko
Hayiwa nhasi vabatanidzwa (hoo-raay, hoo-raay, hoo-raay)
Topemberera dhi-dhi-dhi-dhi (hoo-raay, hoo-raay, hoo-raay)
Hona vadadisa vana, vaunganidza hama
Zvipo zvizere, Mabhozida avakazunza zvikwama
Masahwira ari kunyama, vanhu vonyautsa mukanwa
Mifananidzo torai hatidi zvikanganwa
Toringisa vaperekedzi, vanonwisa mvura bedzi
Kafambiro kacho sengirozi dzatumwa naTenzi
Baba hatichada kunzwa kuti mateedza madhirezi
Mabatanidzwa muhupenyu, movhura imwe page
Chipai kiss vachati, nguva yatasvika ndoo ye-kiss vachati
Maunganidza vanhu, pakuda peace vachati
Zvekurwisana mumba nikisi vachati, hoyi hoyi
Hayiwa nhasi vabatanidzwa (hoo-raay, hoo-raay, hoo-raay)
Topemberera dhi-dhi-dhi-dhi (hoo-raay, hoo-raay, hoo-raay)
Pamusoroi vanababa, ndineshoko rimwe kune vaviri vachata
Muchiona mava amai nababa, teedzerai izvi muimba yamavaka
Daddy vanoda kudziisirwa mvura, pakudzoka kumba, baba musapfurikidza nguva
Wanai nguva yekutandara pazuva
Tozvikoshesa murudo dzamara mupinde muguva
Saka madzimai, ndipeiwo mhururu uko, ndipeiwo mhururu uko
Nemi vanababa isayi miridzo uko, isayi miridzo uko
Saka dzokororo ine simba, pakuda kiss vachati
Nguva yatasvika ndoo ye-kiss vachati
Maunganidza vanhu, pakuda peace vachati
Zvekurwisana mumba nikisi vachati, hoyi hoyi
Hayiwa nhasi vabatanidzwa (hoo-raay, hoo-raay, hoo-raay)
Topemberera dhi-dhi-dhi-dhi (hoo-raay, hoo-raay, hoo-raay)
Hayiwa nhasi vabatanidzwa (hoo-raay, hoo-raay, hoo-raay)
Topemberera dhi-dhi-dhi-dhi (hoo-raay, hoo-raay, hoo-raay)

Поcмотреть все песни артиста

Другие альбомы исполнителя

Похожие исполнители

ExQ

Исполнитель